1
2 VaKorinde 5:17
Shona Bible 1949, revised 2002
Saka kana munhu ari muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvinhu zvakare zvapfuura; tarirai, zvose zvava zvitsva.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 VaKorinde 5:21
Uyo, akanga asingazivi zvivi, akamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
3
2 VaKorinde 5:7
nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuona
4
2 VaKorinde 5:18-19
Asi zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
5
2 VaKorinde 5:20
Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti, “Yananiswai naMwari.”
6
2 VaKorinde 5:15-16
zvino iye akafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo akafa nokumutswa nokuda kwavo. Naizvozvo kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
7
2 VaKorinde 5:14
Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe akafira vose, zvino vose vakafa
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo