2 VaKorinde 5:18-19
2 VaKorinde 5:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
2 VaKorinde 5:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
2 VaKorinde 5:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa.
2 VaKorinde 5:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀinhu ɀose ɀakabva kunaMŋari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mŋari wakaŋga aciyananisa nyika naye munaKristu, akasaʋaʋereŋgera kuɗarika kwaʋo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
2 VaKorinde 5:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa.