1
2 VaKorinde 4:18
Shona Bible 1949, revised 2002
tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 VaKorinde 4:16-17
Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe. Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi
3
2 VaKorinde 4:8-9
Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasa mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa
4
2 VaKorinde 4:7
Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu.
5
2 VaKorinde 4:4
kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheVhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.
6
2 VaKorinde 4:6
Nokuti Mwari, akareva kuti, “Chiedza chibude parima,” ndiye akavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo