1
Ɀakazarurwa 2:4
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti wakasiya ruɗo rwako rwokutaŋga.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ɀakazarurwa 2:5
Naiɀoɀo raŋgarira pawakawa, utendeʋuke, ugoita maɓasa ako okutaŋga; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicaʋuya kwauri, ndikabvisa cigadziko cako comŋenje panɀimbo yaco, kana usiŋgatendeʋuki.
3
Ɀakazarurwa 2:10
usatya iɀo ɀaucatambudzika naɀo. Tarira, Diaborosi woɗo‐kuisa ʋamŋe ʋenyu mutoroŋgo, kuti muidzwe; mucatambudzika mazuʋa anegumi. Uʋe wakatendeka kuȿikira parufu, ndigokupa korona yoʋupenyu.
4
Ɀakazarurwa 2:7
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke; unokunda, ndicamutendera kuti adye muti woʋupenyu, uri muParadiso yaMŋari.
5
Ɀakazarurwa 2:2
Ndinoziʋa maɓasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti hauɗi kuʋonana naʋanhu ʋakaipa; wakaʋaidza iʋo ʋanoti, tiri ʋaapostora, ʋasi iʋo caiʋo, ukaʋawana ʋari ʋenhema
6
Ɀakazarurwa 2:3
ukatsuŋgirira nokuʋa nomŋoyo murefu nokuɗa kwezita raŋgu, ukasaneta.
7
Ɀakazarurwa 2:17
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Unokunda, ndicamupa mana yakaʋanzika, ʋuye ndicamupa ibge jena, napabge iro zita idɀa rakanyorwa’po, risiŋgazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo