YouVersion Logo
Search Icon

Kumira pazvivimbiso zvaMwariSample

Kumira pazvivimbiso zvaMwari

DAY 2 OF 3

NZVIMBO DZAKAGADZIRWA

Mhuka neshiri dzine madziri chinhu chinodzitungamira nekutondera kudzokera kwadzinogara, zvakadaro nesuwo tine rusuwo rwekuva kumusha naMwari vedu. Takanzwa nezveimbwa nekatsi zvakafamba mitunhu yakakura kudzokera kudzimba mushure mekunge dzarasika. Mienzaniso yakadai munyika yakawandisa zvikuru.

Mwari vakaisa chinotitondedza mupfungwa dzedu, kuti pawe nekutaurirana naye maringe nezve kudzoka kumusha. Ivo Mwari vakaburuka pachezvawo kuzotiratidza nzira. Usiku umwe Jesu asati andouraiwa akapa mashoko anoita kuti vatendi vakunde rusuwo rwuri mavari. Panguva iyi vadzidzi vakanga vainako kusuwa kaikonzerwa nekuzoparadzana naJesu kwanga kwakuda kuitika.

Asi semakritsu, tine tariro mukusuwa kwatinge tiinako. Jesu wakabva kuna Mwari, kuti atiratidze nzira yekuenda kuna Mwari. Kana tichinge takunda nyika ino, musha wedu wakagadzirwa zvakakwana kudenga. Denga musha waKristu pamwechete nevanhu vake. Musha uyu musha wakagadzirirwa vanhu vakagadzirirawo. Ndiyo nzvimbo yatichange tichidiwa zvisina mugumo. Kana tichingova munyika ino, tiri vapfuuri. Asi muupenyu unouya, vatendi vose vachange vawe kumusha kwavo. Musha vawo uri kudenga hauna anozouputsa. Wese munhu anotenda kuna Mwari ane nzvimbo yake iriko kumusoro. Hatifaniri kufunga kuti tichazova vakaraswa. Mwari vedu vanotida, vakavipa kwatiri kuti tigova nawo nekusingaperi.

Munamato: Jehova Mwari muzita raJesu, ndinouya pasi pechigaro chenyu chinoera chenyasha nesimba. Ndinonamata Mwari kuti mubatsire moyo yedu kuti irege kutambudzika. Tipeiwo mweya wekunzwisisa kuti muri kutigadzirira nzvimbo dzekugara nekusingaperi. Ndinotenda kuti nerimwe zuva ndichazogara nemi nekusingaperi. Muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: 1 VaKorinde 2:9| Ruka 6:9| VaHeberu 13:14.

Scripture

Day 1Day 3

About this Plan

Kumira pazvivimbiso zvaMwari

Jesu akanga achiziva kuti vadzidzi vakanga vari pakushungurudzika zvikuru nepfungwa yekuenda kwake. Asi anovasimbisa nedzidziso iri maringe nezva Mweya Mutsvene uyo aizova mubatsiri wavo. Mweya iwoyo ndiwo waizova chiedza panzira dzemunhu wese aizotenda kuna Jesu. Chivimbiso chaJesu pamusoro pekugadzirwa kwemusha wekudenga nechivimbiso cheMweya Mutsvene kunopa kunyaradzwa nekubatsirwa kukuru. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwake pamusoro pekuteerera chiri chiratidzo cherudo zvinotsanangura ukama hwedu naMwari.

More