YouVersion Logo
Search Icon

Kumira pazvivimbiso zvaMwariSample

Kumira pazvivimbiso zvaMwari

DAY 1 OF 3

KUTSAMIRA PANA MWARI

Vadzidzi vakanga vanzwa Jesu achitaura pamusoro pekufa nekuenda kwake. Pita naJohani vakanga vanzwawo zvekutengeswa kwaJesu naJudasi. Peter akaudzwa zvakare zvekuramba Jesu kwaaizoita. Pazvose izvi, Jesu akanga ari mubishi kuti azonyaradza vadzidzi vake kuti vamire vakasimba.

Vadzidzi vaJesu vaifanira kuvanekutenda muna Mwari pamwechete nemuna Jesu. Semakristu, tine chitsvambe chekuva vanhu vanoteerera Mwari, nekuziva kuti tinorarama kubudikidza naMweya Mutsvene kuti tigone kuva nerutendo rwakadaro. Nzira iyoyi inoshanda mukuva nevimbo muna Mwari. Tinotarisirwa kuvimba naye kunyange munguva dzekushungurudzika.

Kuvimba muna Mwari hazvireve kuti hatizovi nekurwadziwa. Tinotenda kuti Mwari vari pakushanda nesu kunyange munguva dzematambudziko, zvichiitirwa kuti tigova neupenyu hwakanaka. Mweya Mutsvene haazotibvisiri zvimhinga mupinyi paupenyu hwedu, asi anotipa simba rekuzvikunda. Ndezvipi zvimhinga mupinyi zvauri kusangana nazvo zviri kutadzisa kuti ushandire Mwari? Tora nhanho yakasimba, Mweya Mutsvene ave mubatsiri pakutsamira pana Mwari. Kurasiswa nehama kuripo mukati meupenyu. Dimwe nguva tinonzwa sekunge uvapo hwaMwari wasuduruka patiri. Ngatizivei kuti kunyange zvakadaro, Mwari vari patiri nguva dzose. Ngatimirei takatsamira pane Mwari wedu toramba tichitenda kwaari. Moyo yedu inoshungurudzika inofanira kubva toisa ruvimbo nerutendo nekuti izvi zvinoita kuti tigadzire ukama hwakanaka naMwari.

Munamato: Mwari vedu vari kudenga, ndinokutendai naJesu Kristu neMweya Mutsvene. Ndinokudza zita renyu nekuti muri Mwari. Ndinonamata Mwari kuti mubatsire mweya wangu urege kushungurudzika. Dzosai ruvimbo rwangu mamuri kuti ndigone kumira ndakatsamira pamuri. Muzita raJesu ndinonamata. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: VaRoma 8: 26-27| 1 Vakorinde 12:6-9| VaEfeso 6|18.

Scripture

Day 2

About this Plan

Kumira pazvivimbiso zvaMwari

Jesu akanga achiziva kuti vadzidzi vakanga vari pakushungurudzika zvikuru nepfungwa yekuenda kwake. Asi anovasimbisa nedzidziso iri maringe nezva Mweya Mutsvene uyo aizova mubatsiri wavo. Mweya iwoyo ndiwo waizova chiedza panzira dzemunhu wese aizotenda kuna Jesu. Chivimbiso chaJesu pamusoro pekugadzirwa kwemusha wekudenga nechivimbiso cheMweya Mutsvene kunopa kunyaradzwa nekubatsirwa kukuru. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwake pamusoro pekuteerera chiri chiratidzo cherudo zvinotsanangura ukama hwedu naMwari.

More