1
Johani 1:12
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari
ႏွိုင္းယွဥ္
Johani 1:12ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
2
Johani 1:1
Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari.
Johani 1:1ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
3
Johani 1:5
Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
Johani 1:5ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
4
Johani 1:14
Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
Johani 1:14ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
5
Johani 1:3-4
Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu.
Johani 1:3-4ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
6
Johani 1:29
Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!
Johani 1:29ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
7
Johani 1:10-11
Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira.
Johani 1:10-11ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
8
Johani 1:9
Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
Johani 1:9ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
9
Johani 1:17
Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.
Johani 1:17ရွာေဖြေလ့လာလိုက္ပါ။
ပင္မစာမ်က္ႏွာ
က်မ္းစာ
အစီအစဥ္
ဗီဒီယို