1
Johani 5:24
Shona Bible 1949, revised 2002
“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anonzwa shoko rangu, nokutenda akandituma, ano upenyu husingaperi; haauyi mukutongwa, asi abva murufu, aenda muupenyu.
താരതമ്യം
Johani 5:24 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
2
Johani 5:6
Jesu akati aona munhu uyo avete pasi, zvaaiziva kuti akanga akadaro nguva refu, akati kwaari, “Unoda kuporeswa here?”
Johani 5:6 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
3
Johani 5:39-40
Munonzvera Magwaro, nokuti munoti upenyu husingaperi munahwo maari; ndiwo anondipupurira ini. “Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve noupenyu.
Johani 5:39-40 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
4
Johani 5:8-9
Jesu akati kwaari, “Simuka, tora nhoo dzako, ufambe.” Pakarepo munhu uyo akaporeswa, akatora nhoo dzake, akafamba. Musi uyo waiva weSabata.
Johani 5:8-9 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
5
Johani 5:19
Zvino Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo.
Johani 5:19 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
ഭവനം
വേദപുസ്തകം
പദ്ധതികൾ
വീഡിയോകൾ