Mavambo 36
36
Zvizvarwa zvokwaEsau
(1 Nhor 1:34–37)
1Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaEsau ainziwo Edhomu. 2Esau akaroora madzimai echiKanani vaiti; Adha mwana waEroni werudzi rwavaHiti naOhoribhama mwana waAna, mwanakomana waZibheoni worudzi rwavaHivhi, 3naBhasimati hanzvadzi yaNebhayoti mwana waIshimaeri. 4Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasimati akaberekawo Rueri. 5Ohoribhama akabereka Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo vanakomana vaEsau vakaberekerwa munyika yeKanani.
6Esau akasiya munun'una wake Jakobho ndokubva atamira kure. Akaendako namadzimai ake navana vake vakomana navasikana navanhu vake vose. Akaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvake noupfumi hwake hwose hwaakanga awana munyika yeKanani. 7Esau akatama nokuti iye naJakobho vakanga vava nezvipfuwo noupfumi hwakawanda, vasisinawo mafuro anovakwanira kuti vagare pamwechete. 8Esau akandogara mumakomo mudunhu reSeiri. Esau uyu ndiye akarevo Edhomu.
9Hezvinoi zvizukuru zvokwaEsau tateguru weEdhomu aigara munyika yamakomo yeEdhomu. 10Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau. Adha mudzimai waEsau akabereka Erifazi. Bhasimati mukadzi waEsau akaberekawo Rueri. 11Vanakomana vaErifazi ndiTemani naOmari naZefo naGatamu naKenazi. 12Timuna akanga ari murongo waErifazi mwanakomana waEsau, naiyewo akaberekera Erifazi mwana mukomana ainzi Amareki. Ivava ndivo vanakomana vaAdha mukadzi waEsau. 13Avawo ndivo vanakomana vaRueri kwaiti, Nahati naZera naShama naMiza. Ivava ava ndivo vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau. 14Mudzimai waEsau ainzi Ohoribhama mwanasikana waAna, mwanakomana waZibheoni, akabereka Jehushi naJaramu naKora.
15Dangwe raEsau rainzi Erifazi, rakabereka vanakomana vakazova madzishe. Madzishe acho ndiwo ano aya: Temani naOmari naZefo naKenazi, 16naKora naGatamu naAmareki. Ndiwo madzishe okwaErifazi aigara munyika yeEdhomu akaberekwa naAdha. 17Mwana waEsau ainzi Rueri akaberekawo vanakomana vakazova madzishe munyika yeEdhomu. Madzishe acho ndeaya: Nahati naZera naShama naMiza ivava ndivo madzishe okwaRueri aigara munyika yeEdhomu akaberekwa naBhasimati mukadzi waEsau. 18Ohoribhama mudzimai waEsau akaberekawo vanakomana vakazova madzishe munyika yeEdhomu. Madzishe acho ndiwo anowo aya anoti: Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo madzishe akaberekwa nomudzimai waEsau mwanasikana waAna. 19Saka ivava ndivo vanakomana vaEsau kana kuti Edhomu pamwechete namadzishe avo.
Zvizvarwa zvokwaSeiri
(1 Nhor 1:38–42)
20Ava ndivo vanakomana vaSeiri vorudzi rwechiHori vagari vomunyika iyoyo. Kwaiti Rotani naShobharu naZibheoni naAna, 21kwoti Dhishoni naEzeri naDhishani. Ivava ndivo vaiva madzishe evaHori munyika yeEdhomu.
22Vanakomana vaRotani ndevano ava Hori naHemamu. Timina ndiyo yaiva hanzvadzi yaRotani.
23Vanakomana vaShobharu ndivo avawo, Arivhani naManahati naEbhari naShefo naOnamu.
24Vanakomana vaZibheoni ndaava vanoti Aiya naAna. Ndiye Ana uya akawana zvitubu zvemvura inopisa musango, achifudza madhongi ababa vake Zibheoni. 25Ana akabereka mwana mukomana ainzi Dhishani akaberekawo mwanasikana ainzi Ohoribhama. 26Vanakomana vaDhishani ndiHemudhani naEshibhani naItirani naKerani. 27Vanakomana vaEzeru ndiBhirihani naZaavhani naAkani.
28Vanakomana vaDhishani ndiUzi naArani. 29Haanoi mazita amadzishe evaHori, kwaiti Rotani naShobharu naZebheoni naAna, 30kwouya Dhishani naEzeri. Ivava ndiwo madzishe echiHori vaigara munyika yeSeiri namadzinza awo.
Madzimambo eEdhomu
(1 Nhor 1:43–54)
31Haanoi madzimambo akatonga muEdhomu vaIsiraeri vasati vava namadzimambo. 32Paiti Bhera mwanakomana waBheori akatonga muEdhomu. Zita reguta rake rainzi Dhinihabha. 33Kuzoti Bhera afa, Jobhabhu mwanakomana waZera wokuBhozera ndiye akasara akatonga pachinzvimbo chake. 34Jobhabhu akazofa ndokubva Hushamu wedunhu revaTemani atonga panzvimbo yake. 35Pakafa Hushamu, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi akatonga pachinzvimbo chake. Ndiye Hadhadhi uya akakurira Midhiani kusango reMoabhu. Zita reguta rake rainzi Avhiti. 36Hadhadhi akazofa, Samira wokuMasareka akabva atonga pachinzvimbo chake. 37Samira akazofa, Shauro weRehobhoti naYufuratesi ndokutonga pachinzvimbo chake. 38Shauro akafa Bhaarihanani mwanakomana waAkabhori ndokutonga pachinzvimbo chake. 39Bhaarihanani, mwanakomana waAkabhori akafa, Hadhari akatonga pachinzvimbo chake. Zita reguta rake rainzi Pau. Zita romudzimai wake rainzi Mehetabheri, aberekwa naMatiredhi, mwanasikana waMezahabhi.
40Mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, ndaaya anoti: Timina 41naArivha naJeteti naOhoribhama, naEra naPinoni, 42kwouya Kenazi naTemani, 43naMibhuzari, naMagidhieri naIramu. Iwaya ndiwo madzishe okwaEdhomu namatunhu avo. Esau ndiye tateguru wavaEdhomu.
Attualmente Selezionati:
Mavambo 36: SCLB
Evidenziazioni
Condividi
Copia
Vuoi avere le tue evidenziazioni salvate su tutti i tuoi dispositivi?Iscriviti o accedi
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.