Johani 14:16-17
Johani 14:16-17 SUB
Neni ndichakumbira Baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi; ndiye Mweya wechokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti agere nemi, achava mukati menyu.