Johane 16
16
Jesu unoʋaʋudza ɀoMŋeya Mutȿene nokuʋuya kwake.
1Ɀinhu iɀi ndakakuʋudzai, kuti murege kugumburwa. 2Ʋacakuɓuɗisai mumasinagoge; asi ŋguʋa inoȿika, mumŋe nomumŋe wakakuʋurayai, ucati unoɓatira Mŋari ɓasa. 3Ɀinhu iɀi ʋacaita, nokuti haʋana‐kuziʋa Ƃaɓa, kana ini. 4Asi ndakakuʋudzai iɀi, kuti kana ŋguʋa yaɀo yaȿika, mugoɀiraŋgarira, kuti ndakakuʋudzai. Handina‐kukuʋudzai iɀi kubva pakutaŋga, nokuti ndaiʋa nemi. 5Asi ɀino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumŋe wenyu unondibvunza, aciti: Munoendepiko? 6Asi ɀino mŋoyo yenyu yafa neshuŋgu ɀandakakuʋudzai iɀi. 7Asi ini ndinokuʋudzai ɀokwaɗi, kana ndiciti: Ɀirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisiŋgaendi, Munyaradzi haaŋgaʋuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndicamutumira kwamuri. 8Iye kana aȿika, ucaziʋisa nyika pamsoro peɀiʋi, napamsoro pokururama, napamsoro pokutoŋgwa; 9pamsoro peɀiʋi, nokuti haʋatendi kwandiri; 10pamsoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa, hamuŋgazondiʋoni; 11pamsoro pokutoŋgwa, nokuti mucinda wenyika ino watoŋgwa. 12Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kukuʋudzai; asi hamugoni kuɀigamucira ɀino. 13Asi kana aȿika, iye Mŋeya waɀokwaɗi, ucakutuŋgamirirai muɀokwaɗi yose; nokuti haaŋgatauri ɀake, asi ɀaakanzwa, ndiɀo ɀaacataura, ʋuye ucakuparidzirai ɀinoʋuya. 14Ucandikudza, nokuti ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo. 15Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanaɀo, ndeɀaŋgu; naiɀoɀo ndakati: Ucatora paneɀaŋgu, akakuparidzai iɀo. 16Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona. 17Ɀino ʋamŋe ʋaʋadzidzi ʋake ʋakataurirana, ʋaciti: Cinyiko ici caanoreʋa kwatiri, kuti: Ciŋguʋa ciɗuku casara, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona, ʋuye: Nokuti ndinoenda kunaƂaɓa? 18Naiɀoɀo ʋakati: Cinyiko caanoti: Casara ciŋguʋa ciɗuku? Hatiziʋi caanotaura. 19Jesu akaziʋa kuti ʋanoɗa kumubvunza, akati kwaʋari: Munobvunzana here pamsoro pecinhu ici candareʋa, ndiciti: Casara ciŋguʋa ciɗuku, hamucazondiʋoni; ʋuye ɀe, ciŋguʋa ciɗuku, mucandiʋona? 20Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mucarira nokucema imi, asi nyika icafara; imi mucanzwa shuŋgu, asi shuŋgu dzenyu dzicashanduka mufaro. 21Mukadzi kana acipona, unonzwa shuŋgu, nokuti ŋguʋa yake yaȿika; asi kana apona mŋana, haacafuŋgi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika. 22Nemi ɀino muneshuŋgu; asi ndicakuʋonai ɀe, nomŋoyo yenyu icafara; hakunomunhu uŋgakutorerai mufaro wenyu. 23Nezuʋa iro hamuŋgazondibvunzi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinot kwamuri: Ɀose ɀamuneŋge mucakumbira kunaƂaɓa, ʋacakupai iɀo muzita raŋgu. 24Kuȿikira ɀino hamuna‐kukumbira cinhu muzita raŋgu; kumbirai, mucapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
25Iɀi ndakataura kwamuri nemifananidzo, ŋguʋa inoʋuya yandisiŋgazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndicakuparidzirai pacena ɀaƂaɓa. 26Nezuʋa iro mucakumbira muzita raŋgu; handikuʋudziyi, kuti ndicakunyeŋgeterera ini kunaƂaɓa; 27nokuti Ƃaɓa ʋamene ʋanokuɗai, nokuti makandiɗa ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaƂaɓa. 28Ndakabva kunaƂaɓa, ndikaʋuya panyika; ndinobva ɀe panyika, ndicienda kunaƂaɓa. 29Ʋadzidzi ʋake ʋakati: Tarirai, ɀino motaura pacena, hamucareʋi nemifananidzo. 30Ɀino toziʋa, kuti munoziʋa ɀose, hamutȿaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda naiɀoɀi kuti makabva kunaMŋari. 31Jesu akaʋapindura, akati: Motenda ɀino here? 32Tarirai, ŋguʋa inoʋuya, yatoȿika, yamucaparadzirwa, mumŋe nomumŋe kuneɀake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Ƃaɓa ʋaneni. 33Ndakareʋa iɀoɀi kwamuri, kuti muʋe norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsuŋgai mŋoyo, ini ndakakunda nyika.
Nke Ahọpụtara Ugbu A:
Johane 16: SUB1949
Mee ka ọ bụrụ isi
Kesaa
Mapịa
Ịchọrọ ka echekwaara gị ihe ndị gasị ị mere ka ha pụta ìhè ná ngwaọrụ gị niile? Debanye aha gị ma ọ bụ mee mbanye
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018