Johane 13
13
Jesu unoshambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake.
1Ɀino mutambo wepaseka usati waȿika, Jesu wakaziʋa kuti ŋguʋa yake yaȿika, kuti abve munyika ino, aende kunaƂaɓa, ɀaakaŋga aiɗa ʋanhu ʋake ʋaiʋa munyika, wakaʋaɗa kuȿikira pakuguma. 2Ɀino ʋakati ʋorayira, Diaborosi atoisa mumŋoyo maJudasi Iskarioti, mŋanakomana waSimoni, kuti amupandukire; 3Jesu aciziʋa kuti Ƃaɓa ʋakamupa ɀinhu ɀose mumaʋoko ake, ʋuye kuti wakabva kunaMŋari, ʋuye kuti unoenda kunaMŋari; 4akasimuka pakurayira, akabvisa ŋguʋo dzake, akatora muceka, akaɀisuŋga ciʋuno. 5Ɀino akaɗira mvura mumudziyo, akataŋga kushambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake, akadzipisika nomuceka, waakaŋga akaɀisuŋga nawo. 6Akaȿika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzaŋgu kanhi? 7Jesu akapindura, akati kwaari: Candinoita hauciziʋi ɀino; asi ucaɀinzwisisa pashure. 8Petro akati kwaari: Hamuŋgatoŋgoshambidzi tsoka dzaŋgu nokusiŋgaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisiŋgakushambidzi, haunomugoʋe neni. 9Simoni Petro akati kwaari: Dzirege kuʋa tsoka dzaŋgu dzoga, asi maʋoko aŋgu nomusoro waŋgu ʋo. 10Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa muʋiri wose, unofanira kwoga kuti ashambidzwe tsoka dzake, ɀino wanaka kwaɀo; imi makanaka, asi hamuzi mose. 11Nokuti wakaŋga aciziʋa uyo waizomupandukira, saka akati: Hamuna‐kunaka mose.
12Ɀino wakati ashambidza tsoka dzaʋo, akatora ŋguʋo dzake, akagara ɀe, akati kwaʋari: Munoziʋa ɀandakakuitirai here? 13Munondiidza Mudzidzisi, ʋuye Ishe; munoreʋa ɀakanaka, nokuti ndini iye. 14Ɀino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi ʋo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. 15Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi seɀandakakuitirai ini. 16Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake, ʋuye wakatumŋa mukuru kunowakamutuma. 17Kana muciɀiziʋa iɀi, makaropafadzwa kana muciɀiita. 18handireʋi imi mose; ini ndinoziʋa aʋo ʋandakasanaŋgura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya ciŋgwa caŋgu, wakandisimudzira citsitsinho cake. 19Kubva ɀino ndinokuʋudzai ɀisati ɀaitika, kuti kana ɀiciitwa, mugotenda kuti ndini. 20Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unogamucira wandinotuma, unogamucireni, nounondigamucira ini, unogamucira wakandituma.
Jesu unoʋaʋudza kuti Judasi ucamupandukira.
(Mat 26:20–25; Mar 14:17–21; Ruka 22:21–22)
21Ɀino Jesu wakati areʋa kuɗaro, akamanikidzwa mumŋeya, akapupura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, mumŋe wenyu ucandipandukira. 22Ʋadzidzi ʋakatarirana, ʋasiŋgaziʋi kuti wareʋa ani. 23Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake wakaŋga akasendamira pacifuʋa caJesu, waiɗikanwa naJesu. 24Simoni Petro akamuninira, akati kwaari: Tiʋudzei kuti ndianiko waanoreʋa. 25Iye akaʋata pacifuʋa caJesu, akati kwaari: Ishe, ndianiko? 26Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandicapa cimeɗu, kana ndaciseʋa. Ɀino wakati aseʋa cimeɗu, akacitora, akapa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti. 27Iye wakati agamucira cimeɗu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Ɀaunoita, ita ucikurumidza. 28Asi kwakaŋga kusinomumŋe kunaʋakaŋga ʋagere naye pakudya, wakaziʋa kuti wakareʋerei iɀoɀi kwaari. 29Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciti, Judasi ɀaaigara ane cikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Teŋga ɀatinoɗa pamutambo; kana kuti ape ʋarombo cinhu. 30Iye akati agamucira cimeɗu, akaɓuɗa pakarepo; bgakaŋga bguri ʋusiku.
31Ɀino wakati aɓuɗa, Jesu akati: Ɀino Mŋanakomana womunhu wakudzwa, naMŋari wakudzwa maari; 32kana Mŋari akudzwa maari, Mŋari ucamukudza iye maari, ucamukudza pakarepo. 33Ʋana ʋaɗuku, ndiciri nemi ciŋguʋa ciɗuku; mucanditȿaka, asi seɀandakareʋa kuʋaJuda, ndiciti: Pandinoenda, imi hamuŋgaʋuyi’po, saiɀoɀo ɀino ndinoreʋa kwamuri ʋo. 34Ndinokupai murairo mutȿa, wokuti mudane; seɀandakakuɗai imi, nemi muɗane ʋo saiɀoɀo. 35Ʋose ʋacaziʋa naiɀoɀi kuti muri ʋadzidzi ʋaŋgu, kana munoruɗo pakati penyu. 36Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoendepiko? Jesu akapindura, akati: kwandinoenda, hauŋganditeʋeri ɀino; asi ucanditeʋera pashure. 37Petro akati kwaari: Ishe, handiŋgakuteʋeriyi ɀino neiko? Ndicakufirai ini. 38Jesu akapindura, akati: Ucandifira here? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Joŋgwe hariŋgariri, usati wandiramba katatu.
Nke Ahọpụtara Ugbu A:
Johane 13: SUB1949
Mee ka ọ bụrụ isi
Kesaa
Mapịa
Ịchọrọ ka echekwaara gị ihe ndị gasị ị mere ka ha pụta ìhè ná ngwaọrụ gị niile? Debanye aha gị ma ọ bụ mee mbanye
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018