Genesi 5
5
Vana vaAdhamu kusvika kuna Nowa
1Ndirori bhuku ramarudzi aAdhamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari; 2wakavasika murume nomukadzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa. 3Adhamu wakagara makore ane zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti. 4Mazuva aAdhamu shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana. 5Mazuva ose oupenyu hwaAdhamu akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matatu, akafa.
6Seti wakagara makore ane zana namashanu, akabereka Enoshi; 7Seti akagara makore ana mazana masere namanomwe shure kwokuberekwa kwaEnoshi, akabereka vanakomana navanasikana; 8mazuva ose aSeti akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi namaviri, akafa.
9Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani; 10shure kwokuberekwa kwaKenani Enoshi akagara makore ana mazana masere negumi namashanu; akabereka vanakomana navanasikana; 11mazuva ose aEnoshi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namashanu, akafa.
12Kenani wakagara makore makumi manomwe, akabereka Maharareri; 13shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana. 14Mazuva ose aKenani akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi, akafa.
15Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi; 16shure kwokuberekwa kwaJaredhi, Maharareri akagara makore ana mazana masere namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana; 17mazuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, akafa.
18Jaredhi wakagara makore ane zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Inoki; 19shure kwokuberekwa kwaInoki Jaredhi akagara makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana; 20mazuva ose aJaredhi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, akafa.
21Inoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera; 22shure kwokuberekwa kwaMetusera, Inoki wakafamba naMwari makore ana mazana matatu; akabereka vanakomana navanasikana. 23Mazuva ose aInoki akanga ari makore ana mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. 24Inoki akafamba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.
25Metusera wakagara makore ane zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki; 26shure kwokuberekwa kwaRameki, Metusera akagara makore ana mazana manomwe namakumi masere namaviri; akabereka vanakomana navanasikana. 27Mazuva ose aMetusera akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, akafa.
28Rameki wakagara makore ane zana namakumi masere namaviri; akabereka mwanakomana; 29akamutumidza zita rinonzi Nowa, achiti, “Uyu achativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.” 30Shure kwokuberekwa kwaNowa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu; akabereka vanakomana navanasikana. 31Mazuva ose aRameki akanga ari makore ana mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, akafa.
32Nowa wakanga ana makore ana mazana mashanu; Nowa akabereka Shemu, naHamu, naJafeti.
Sélection en cours:
Genesi 5: SUB
Surbrillance
Partager
Copier
Tu souhaites voir tes moments forts enregistrés sur tous tes appareils? Inscris-toi ou connecte-toi
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.