1
Ruka 13:24
Shona BIBLE
Akati kwavari, “Irwai kupinda nesuwo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
Comparar
Explorar Ruka 13:24
2
Ruka 13:11-12
Zvino tarira, kwaivapo mukadzi aiva nomweya wourwere makore ane gumi namasere; akanga akafunyana, asingatongogoni kusimuka. Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.”
Explorar Ruka 13:11-12
3
Ruka 13:13
Akaisa maoko ake pamusoro pake; akatasanuka pakarepo, akarumbidza Mwari.
Explorar Ruka 13:13
4
Ruka 13:30
Tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.”
Explorar Ruka 13:30
5
Ruka 13:25
Panguva iyo kana muridzi weimba asimuka, azarira suwo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuwo, muchiti, ‘Ishe! Tizarurirei!’ Iye akapindura, achiti, kwamuri, ‘Handikuzivi kwamakabva.’
Explorar Ruka 13:25
6
Ruka 13:5
Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurayiwa saizvozvo.”
Explorar Ruka 13:5
7
Ruka 13:27
Asi iye achati, ‘Ndinokuudzai, handizivi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, vaiti vezvisakarurama!’
Explorar Ruka 13:27
8
Ruka 13:18-19
Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana neiko? Ndichahufananidza nei? Hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akadyara mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.”
Explorar Ruka 13:18-19
Inicio
Biblia
Planes
Videos