Mapisarema 26
26
Pisarema 26
Pisarema raDhavhidhi.
1Nditongerei, imi Jehovha,
nokuti ndakararama upenyu
husina chahungapomerwa;
ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.
2Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei,
nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;
3nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose,
uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.
4Handigari navanhu vanonyengera,
kana kufambidzana navanyengeri;
5ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa,
uye ndinoramba kugara navakaipa.
6Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka,
uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,
7ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru,
uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa.
8Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha,
nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
9Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi,
noupenyu hwangu navanoteura ropa,
10vana maoko akabata zvakaipa,
vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.
11Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa;
ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.
12Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere;
ndicharumbidza Jehovha paungano huru.
Currently Selected:
Mapisarema 26: BDSC
Highlight
Share
Copy

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.