Nziyo 23
23
Rwiyo rwaDhavhidhi.
Mufudzi wakanaka
1TENZI ndiye mufudzi wangu
hapana chandinoshaya
2anondirarisa mumafuro manyoro.
Achinditungamirira kumvura inozorodza.
3Anondimutsiridza mwoyo
achinditungamirira munzira dzoururami
pamusana pezita rake.
4Kunyange ndikafamba mumupata
werima rakati kwirindindi#23:4 Kwirindindi: Mupata werima rakati kwirindindi. Vamwe vanoti mumupata wemumvuri werufu.
handingatyi chakaipa
nokuti imi muneni.
Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu
zvinondinyaradza.
5Munondigadzirira tafura pamberi pangu
vavengi vangu vachiona,
munozora musoro wangu mafuta,
mukombe wangu unotofashukira.
6Chokwadi kunaka kwenyu nomwoyochena wenyu
zvicharamba zvineni upenyu hwangu hwose
uye ndichagara mumba maTENZI nokusingaperi.
Currently Selected:
Nziyo 23: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.