Kuverengwa 36
36
Nhaka yavanhukadzi vanenge vakaroorwa
1Vakuru vakuru vomumhuri dzaGireadhi mwanakomana waMakiri, wedzinza rokwaManase, wemhuri dzokwaJosefi vakataura pana Mosesi navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri 2vachiti, “Changamire, Tenzi akuudzai kuti mugovere vaIsiraeri nyika dzenhaka yavo nechin'ange. Makaudzwawo naTenzi kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake. 3Zvino kana vakazoroorwa navakomana vamamwe madzinza avaIsiraeri, nhaka yavo ichazotorwa panhaka yamadzibaba edu yoendeswa kudzinza ravanenge vaenda. Ipapo tichatorerwa nhaka yamadzibaba edu yatakagoverwa. 4Naizvozvo panozosvika gore ravaIsiraeri reHwamanda nhaka yavanenge vapiwa ichawedzerwa kunhaka yedzinza kwavanezenge varoorwa. Saka nhaka yavo ichabviswa munhaka yedzinza ramadzibaba edu.”
5Mosesi akapa vaIsiraeri murao waTenzi achiti, “Zviri kutaurwa nevedzinza revana vaJosefi ndizvo chaizvo. 6Zvataurwa naTenzi panyaya yavanasikana vaZerofehadhi ndezvizvi: zvokuti ngavaroorwe zvavo navarume vavanoda, asi vanovaroora ngavave vomudzinza rababa vavo. 7Naizvozvo nhaka yavaIsiraeri ngairege kuzobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe nokuti mumwe nomumwe wavaIsiraeri anofanira kuramba akati kwati nenhaka yamadzibaba ake. 8Mwanasikana wose ane nhaka mudzinza ripi neripi ravaIsiraeri ngaaroorwe nomurume wemhuri yomudzinza rababa vake kuitira kuti muIsiraeri wose agare ari munhaka yamadzibaba ake. 9Saka hakuna nhaka inozobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nokuti dzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri richaramba rakati kwati nenhaka yaro pacharo.”
10Vanasikana vaZerofehadhi vakaita zvakaudzwa Mosesi naTenzi. 11Vanasikana vaZerofehadhi ava vaiti Mahara naTiriza naHogira naMirika naNowa vakaroorwa nehanzvadzi dzavo dzokumadzibabamukuru namadzibabamudiki avo. 12Vakaroorwa kumhuri dzedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nhaka yavo ikaramba ichingova mudzinza remhuri yababa wavo.
13Iyi ndiyo mitemo nemirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi ichipiwa nokuna Mosesi vari mumapani eMoabhu pana Jorodhani pakatarisana neJeriko.
Currently Selected:
Kuverengwa 36: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.