Kutsinhira Mutemo Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Kutsinhira Mutemo kana kuti Dhuteronomi nderimwe ramabhuku mashanu akanyorwa naMosesi. Bhuku iri rakanyorwa vaIsiraeri vava munyika yeMoabhu vodongorera munyika yeKanani. Vari ipapa Mosesi ndipo paakataura zvinhu zvakawanda.
Zvimwe zvacho zvikuru zvaakataura ndezvizvi:
1. Mosesi anovayeuchidza zvinhu zvikuru zvakaitika murenje makore makumi mana apfuura. Anokumbirisa vaIsiraeri kuti varangarire kutungamirirwa kwavakaitwa naMwari murenje, ivo vagova vanoteerera Mwari.
2. Mosesi anovayeuchidza mitemo gumi (Kubuda 20) uye kuti mutemo wokutanga unorevei, kuti vanhu vanamate Mwari oga vachimushumira iye. Akavayeuchidzawo mimwe mitemo yaizovabatsira munyika yavo yechipikirwa.
3. Mosesi anorangaridza vanhu nezvechitenderano chavo naMwari achiti varambe vachisimbisa chitenderano ichochi.
4. Mosesi anodoma Joshuwa kutora nzvimbo yake yokutungamirira vanhu vaMwari. Shoko guru mubhuku iri nderiri: Mwari anosunungura varasudzwi vake vaanoda achivakomborera. Vasarudzwi varangarire izvi vamudewo vachimunamata. Jesu akasimbisawo mashoko aripa (Mutemo 6:4–9)
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku roKutsinhira Mutemo
Kuparidza kokutanga kwaMosesi (1:1—4:49)
Kuparidza kwechipiri kwaMosesi (5:1—26:19)
a) Mitemo gumi (5:1—10:22)
b) Zvakatongwa, hutongi nenyevero (11:1—26:19)
Kudzidziswa zvokupinda kwavo muKanani (27:1—28:68)
Kuvandudwa kwechitenderano (29:1—30:20)
Mashoko okupedzisira aMosesi (31:1—33:29)
Kufa kwaMosesi (34:1–12)
Currently Selected:
Kutsinhira Mutemo Zviri mubhuku rino: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.