YouVersion Logo
Search Icon

Mavambo 7

7
Mafashamo emvura
1Tenzi akataurira Nowa achiti, “Pinda mungarava, iwe nemhuri yako yose. Ndazviona kuti pachizvarwa ichi ndiwe wakarurama. 2Pamhando yoga yoga yemhuka dzisina kun'ora tora mikono minomwe nehadzi dzacho nomwe. Pamhando yoga yoga yemhuka dzakan'ora utorewo mbiri mbiri hono nehadzi yacho. 3Torawo machongwe manomwe nesheshe nomwe pamhando yoga yoga yeshiri dzedenga kuti mhando yadzo isatsakatike panyika. 4Shure kwamazuva manomwe ini ndichanayisa mvura panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. Ndichatsakatisa zvinhu zvose zvipenyu panyika.” 5Nowa akaita zvose zvaakaudzwa naTenzi.
6Nowa akanga ava namazana matanhatu amakore panguva yakauya mafashamo emvura. 7Nowa akapinda mungarava pamwechete nomudzimai navanakomana vake navaroora vake kuti vapunyuke mafashamo emvura. 8Mhando dzose dzemhuka dzakan'ora nedzisina kun'ora dzakapinda mungarava naNowa, 9dziri mbiri mbiri, hono nehadzi, pamwechete nemhando dzose dzeshiri nezvinokambaira nokuzvova napasi sokutaurirwa kwakaitwa Nowa naMwari. 10Kuzoti kwapera mazuva manomwe, mafashamo emvura akabva auya panyika.
11Nowa paakanga ava namazana matanhatu amakore mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechinomwe romwedzi iwoyo, ndiro zuva rakatubuka zvisipiti zvemvura zhinji yepasipasi penyika zvikapfachuka, mahwindo okudenga akazarurwa, 12mvura zhinji ikanaya panyika siku nesikati, kwamazuva makumi mana. 13Pazuva iroro Nowa nomudzimai wake navanakomana vake vanaShemu naHamu naJafeti navaroora vake vatatu vakapinda mungarava 14pamwechete nemhando dzose dzemhuka, nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi, nemhando dzose dzeshiri. 15Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvakapinda mungarava naNowa zviri zviviri zviviri, 16chikono nechikadzi sezvakaudzwa Nowa naMwari. Tenzi ndokumupfigiramo.
17Mvura zhinji yakaramba ichinaya pasi pose kwamazuva makumi mana. Yakawanda zvokuti yakasumudza ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. 18Mvura yakaita mafashafasha, ikatutumuka kuzara pasi pose, ngarava ikayangarara pamusoro pemvura. 19Mvura yakazara ikanyudza makomo marefu ose epasi pose. 20Mvura yakazara ikafukidza makomo ikaapfuurira namamita manomwe. 21Zvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika zvakafa, zvaiti: shiri nezvipfuwo nemhuka nezvinokambaira navanhu vose. 22Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvisingagare mumvura zvakapera kufa. 23Zvinhu zvipenyu zvose zvakatsakatiswa pasi pose zvaiti, vanhu nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi neshiri dzedenga, zvakatsakatiswa pasi pose. Asi kwakangosara Nowa chete navaaiva navo mungarava. 24Mvura ndokuramba yakati fasha panyika kwamazuva zana namakumi mashanu.

Currently Selected:

Mavambo 7: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in