YouVersion Logo
Search Icon

Mavambo 6

6
2 MAFASHAMO
Uipi hwavanhu
1Vanhu pavakatanga kuwanda panyika, vakabereka vana vasikana. 2Vanakomana vaMwari vakaona kuti vasikana ivavo vakanga vakanaka, vakasarudza zvavo vakadzi vavakada, vakavaroora. 3Tenzi akati, “Handichabvumiri kuti mweya wangu uri mumunhu ugare maari nokusingaperi nokuti munhu ndowenyama, anofa. Saka haachagara panyika nguva inodarika zana ramakore rina makore makumi maviri.” 4Mazuva iwayo namazuva akatevera, panyika paiva nemazihofori chaiwo avanhu vakareba vakaberekwa navanakomana vaMwari pavakatorana navanasikana vavanhu. Vana vacho ndivo magamba aye makuru akarekare aiva nomukurumbira. 5Tenzi akaona kuti uipi hwevanhu hwakanga hwanyanya kuwanda panyika. Akaonawo kuti twavaiswerofunga zuva rose mumwoyo yavo, hwaiva huipi hwoga hwoga. 6Mwari akakungura kuti dai zvake asina kusika munhu pasi pano, zvikamushungurudza mumwoyo. 7Tenzi akati, “Ndichatsakatisa panyika vanhu vandakasika, ivo vanhu nemhuka nezvinokambaira nezvinozvova napasi, neshiri dzedenga. Ndino urombo kuti ndakasika vanhu.” 8Asi Tenzi akafadzwa zvake naNowa.
Nowa
9Izvi ndizvo zvizvarwa zvaNowa. Nowa akanga ari munhu akarurama ano unhu huzere chaihwo pachizvarwa chake. Nowa ainyatsowadzana naMwari. 10Nowa aiva navana vakomana vatatu, mazita avo ndiShemu naHamu naJafeti. 11Mukuona kwaMwari nyika yose yakanga yaora noupi, izere nokupandukirana. 12Mwari akatarisa panyika ndokuona kuti paora kwazvo nouipi nokuti vanhu vose panyika vakanga voita zviito zvakaora.
13Mwari akataurira Nowa kuti, “Ndafunga kutsakatisa vanhu vose nokuti ndivo vakaita kuti nyika izare nokupandukirana. Ndichavaparadza pamwechete nenyika. 14Asi iwe chizvigadzirira ngarava yomuti womugoferi, uikamure-kamure kuita dzimba mukati mayo, uiname netara mukati nokunze. 15Igadzire wakadai, urefu hwayo ngahuite zana nemakumi matatu amamita ana mamita matatu. Hwasha hwayo ngahuite makumi maviri amamita ana mamita maviri. Urefu hwayo kukwira mudenga kuite gumi ramamita namamita matatu. 16Unoisa denga pangarava usiye gwanza rina masendimita makumi mana namana pakati pedenga nechengo chayo, uite musuo necheparutivi rwengarava. Igadzire iine uriri hutatu hwakaturikidzana. 17Chinzwaka, ini ndichaunza panyika mafashamo emvura achaparadza zvinhu zvose zvino mweya unofema. Zvinhu zvose zviri panyika zvichafa. 18Asi ini ndichaita chitenderano changu newe. Ndichati iwe upinde mungarava, nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. 19Pamhando yoga yoga yezvinhu zvose zvipenyu unotora zviviri, chikono nechikadzi uende nazvo mungarava zvirarame pamwechete newe. 20Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame. 21Unofanirawo kutora mhando dzose dzezvokudya uzviunganidzemo zvive chokudya chako nechazvo.”
22Nowa akaita zvose zvaakanzi naMwari aite.

Currently Selected:

Mavambo 6: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in