Ezekieri 9
9
Chirango cheJerusaremu
1Mwari akazodaidza nezwi guru ini ndichinzwa nenzeve dzangu achiti, “Swederai kuno imi vanhu veguta vokuuraya vanhu, munhu nomunhu akapakata muruoko chombo chake chokuparadzisa.” 2Ndipo pakabva pati tutururu kusvika varume vatanhatu vachibva nokuSuo Guru rokumusoro rakatarisa kuchamhembe, mumwe nomumwe wavo akapakata muruoko chombo chake chokuurayisa. Vaiva nomumwe murume akapfeka rineni kaguchu keingi padivi pake. Vakapinda vakasvikomira munyasi meatari yendarira iya.
3Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi weIsiraeri kwakanga kwabva pamakerubhu pakwaigara kwaenda kumusuo wemba yacho. Iye akadaidzira kumurume akanga akapfeka rineni uya aiva nekaguchu keingi padivi pake. 4Ipapo Tenzi akati kwaari, “Enda nomuguta, nomuJerusaremu uise rupao pahuma dzavanhu vanodemba vachidunura pamusana pezvinhu zvose zvinosemesa zviri, kuitwa mariri.” 5Kuna vamwe akataura ndichinzwa, achiti, “Endai nomuguta muchimutevera muchiuraya, musaite tsiye nyoro kana kunzwira tsitsi. 6Urayayi varume vakuru, majaya nemhandara, navana vaduku namadzimai asi ane rupao regai kana kumubata. Tangirai paNzvimbo yangu Inoera.” Saizvozvo vakatanga navarume vakuru vaive mberi kweTemberi. 7Ndokubva avati, “N'oresai imba iyi muzadze nhandare dzacho navanhu vanenge vaurayiwa. Chiendai!” Saizvozvo vakaenda kundouraya vanhu muguta.
8Vachingunorakatisa kuuraya vanhu kudaro ini ndakasara ndangova ndoga ndokuti nouso kwidiba ndichichema ndichiti, “Aa-a nhai Tenzi Mwari asi mava kutoparadza zvose zvakasara zveIsiraeri pamusana pokuvirukira kwenyu Jerusaremu nehasha?”
9Iye ndokunditi, “Mhosva yemba yokwaIsiraeri neyokwaJudha yakurisisa. Nyika yazara ropa; guta rizere namaitiro asina ruenzaniso nokuti vanoti Tenzi akafuratira nyika iyi uye Tenzi haaoni. 10Zvino ini handichavaitira tsiye nyoro kana kunzwa tsitsi. Asi ndichaita kuti kuita kwavo ikoko kuvapfukire.”
11Hezvo munhu uya akanga akapfeka rineni aine kaguchu keingi parutivi akadzoka neshoko achiti, “Ndaita sezvamandiudza.”
Currently Selected:
Ezekieri 9: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.