Ezekieri 10
10
Kubva kwakaita kupenya kwokuvapo kwaMwari paTemberi
1Ndakazotarisa ndikaona katenga kaiva nechepamusoro pamakerubhu. Nechepamusoro pawo pakaonekwa chakaita sebwe rakakosha resafaya chakaita sechigaro choumambo. 2Akabva ati kumunhu akanga akapfeka rineni uya, “Enda pakati pamavhiri ari kutendereka pasi pemakerubhu uzadze zvanza zvako namazimbe ari kunjenjema moto ari pakati pamakerubhu uamwaye pamusoro peguta.”
Akapinda ndakatarisa. 3Izvozvo makerubhu aiva amire kumaodzanyemba kwemba iyoyo pakapindamo munhu uya; gore rakazadza nhandare iya yomukatikati. 4Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakasumuka mudenga kukabva pamakerubhu kukaenda kumusuo kwemba iyoyi, imba iyi yakazara gore uye nhandare ikazara nokupenya kwokuvapo kwaTenzi. 5Kubhabhama kwamapapiro amakerubhu kwainzwika kusvikira kunhandare yokunze zvichiita sezwi raiye Aripagomo#10:5 Aripagomo Elshadai kana kuti Samasimba paanenge otaura.
6Paakaudza munhu uya akanga akapfeka rineni kuti, tora moto pakati pamavhiri arikutenderera pakati pamakerubhu, akaenda akamira munyasi memavhiri. 7Pakati pemakerubhu, rimwe racho rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto waiva pakati pemakerubhu rikatora mumwe moto rouisa mumaoko momurume uya akanga akapfeka rineni. Iye akautora akabuda.
8Makerubhu aive nechimwe chainge ruoko rwomunhu pasi pemapapiro awo.
9Zvino ndakatarisa onei paiva namavhiri mana pedyo namakerubhu iwayo, vhiri rimwechete riri parutivi pekerubhu kutarisika kwamavhiri iwayo kwakanga kwakaita sokupenya kweibwe rinokosha rebheriri. 10Mamiriro aakanga akaita ndeaya aya, ari mana kudaro, akanga akafanana aivawo akaita sevhiri mukati merimwe vhiri.
11Paainge ofamba, aifamba akananga chero kune rimwe divi ramativi mana awo achienda asingatendeuki. Asi aiti kwainge kwangonangwa nevhiri remberi mamwe ose aibva atevera achienda asingatendeuki. 12Muviri wawo wose nemisana yazvo namaoko azvo namapapiro awo namavhiri azvo zvakanga zvakazara namaziso kutenderera mavhiri iwayo aivawo nawo pahuna hwawo. 13Zvino mavhiri iwayo ndakanzwa achidaidzwa kunzi kuvhiririka.
14Kerubhu rimwe nerimwe rakanga riine zviso zvina, uso hwokutanga huri uso hwekerubhu, hwechipiri hwaiva uso hwomunhu, hwetatu huri uso hweshumba, hwechina hwacho huri uso hwegondo. 15Ipapa makerubhu akakwira mudenga, iwaya akanga ari iwo makerubhu aya andakaona kurwizi rweKebhari. 16Zvino makerubhu paaifamba, mavhiri aifamba ari pamativi awo. Painge makerubhu asumudza mapapiro awo kuti akwire mudenga achibva pasi, mavhiri haaimbobva parutivi. 17Hwaingova hwese, achiti akati mbikiti akamira, mavhiri amirawo. Paaikwira mudenga, mavhiri aibva akwirawo mudenga nawo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu zviya wakanga uri maari.
18Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwazobva kumusuo kwemba kukandomira pamusoro pamakerubhu. 19Makerubhu ndokubva asumudza mapapiro awo akakwira mudenga kubva pasi ndichiona achienda kudaro aine mavhiri parutivi pawo akasvikomira pamusuo weSuo Guru rokumabvazuva remba yaTenzi kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwaiva pamusoro pazvo. 20Ndicho chisikwa chipenyu chiya chandakamboona ichochi ichi nechepasi paMwari weIsiraeri pedyo nerwizi rwaKebhari nezvo ndakabva ndaziva kuti makerubhu aya.
21Kerubhu rimwe nerimwe raiva nouso huna uye rimwe nerimwe riine mapapiro mana. Pasi pemapapiro awo paiva nezvainge maoko omunhu. 22Zvino kufanana kwouso hwawo, hwakanga hwakangoita sehwandakaona chaihwo pedyo norwizi rwaKebhari. Zvaifamba zvakananga pazvakananga chete.
Currently Selected:
Ezekieri 10: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.