Kubuda 12
12
E. PASIKA
1Tenzi akataurira Mosesi naAroni vachiri munyika yeIjipiti achiti, 2“Kwamuri imi mwedzi uno uyu ndiwo uchave mwedzi wokutangatanga pane mwedzi yose. Ndiwo uchava mwedzi wenyu wokutanga kwegore. 3Taurirai gungano rose ravaIsiraeri kuti, pamwedzi uno, pazuva regumi, saimba woga woga ngaatsvakire mhuri yake hwayana kana mbudzana. Mhuri nemhuri, imba nemba ive nehwayana yayo. 4Kana mhuri iri duku, hwayana yacho yakavakurira, ngaibatane neimwe mhuri yayakavakidzana nayo. Munofanira kufanoona kuti hwayana yacho inokwaniranawo navanhu varimo. 5Chipfuwo ichocho ngachive chisina chinoshoreka pachiri, chiri chikono chine gore rimwechete, chingave hwayana kana mbudzana. 6Ichengetei kusvikira pazuva regumi nechina romwedzi iwoyu. Ipapo gungano rose ravaIsiraeri ndipo parichauraya hwayana dzacho, zuva richangodoka. 7Ngavatore rimwe ropa, varizore pamagwatidziro maviri apamusuo napachivivo pamusoro pemisuo yomudzimba mavachaidyira. 8Ngavadye nyama yacho usiku ihwohwo yakaita zvokugochwa, vaidye pamwechete nechingwa chisina mbiriso nemiriwo inovava. 9Ngavarege kuidya iri mbishi kana kuita yokubika nemvura, asi ngavaite yokugocha. Ngavaigoche yakadaro nomusoro wayo namakumbo ayo nezvomukati zvayo. 10Ngavarege kusiya imwe nyama yamangwana. Kana pane inenge yasara kusvikira mangwana acho ngaipiswe. 11Aya ndiwo madyiro amuchaiita: Idyei makasunga zviuno zvenyu, mune shangu dzenyu mumakumbo, makabata tsvimbo mumaoko. Muidye nechimbichimbi, iPasika#12:11 iPasika: MuchiHebheru izwi rokuti Pasika rinoreva kuti kupfuura nokuti usiku ihwohwo mutumwa waTenzi akapfuura dzimba dzavaIsiraeri achipinda mumhuri dzavaIjipiti achiuraya matangwe avo avanhu neemhuka. yaTenzi.
12“Usiku ihwohwo, ndichapfuura nomuIjipiti ndichiuraya kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kune emhuka, ndichirangawo vamwari vose veIjipiti. Ndini Tenzi. 13Ropa repadzimba dzamuchange muri ndorichava chiratidzo chenyu. Kana ndikaona ropa iroro, ndichakudarikai kuti murege kuwirwa nenhamo ingakuparadzei pandicharova nyika yeIjipiti. 14Kwamuri imi zuva iri rinofanira kuva zuva guru rokuyeuka, ramunoitira Tenzi mabiko pazvizvarwa zvenyu zvose, muchengete murao iwoyu nokusingaperi.”
Mazuva makuru echingwa chisina mbiriso
15Tenzi akati, “Kwamazuva manomwe, muchadya chingwa chisina mbiriso chete. Pazuva rokutanga, bvisai mbiriso yose mudzimba dzenyu nokuti kana munhu akazodya chingwa chine mbiriso pamazuva manomwe iwayo, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri. 16Pazuva rokutanga napazuva rechinomwe, itai musangano mutsvene wezvokunamata. Pamazuva iwaya, kusambova zvako kana nebasa zvaro ramunoita, asi zvokudya zvenyu ndizvo bedzi zvamungabike. 17Munofanira kuchengeta mazuva echingwa chisina mbiriso nokuti ndiro zuva randakaburitsa madzinza enyu muIjipiti. Saka chengetai zuva guru irori pazvizvarwa zvenyu zvose somurao wenyu unogara uripo narini narini. 18Mumwedzi wokutanga kubvira pazuva regumi nechina manheru, kusvikira pazuva ramakumi maviri nechiposhi manheru, imi regai kudya chingwa chine mbiriso. 19Kwamazuva manomwe, mudzimba dzenyu ngamurege kuonekwa mbiriso nokuti kana munhu akadya chinhu chine mbiriso munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama negungano ravaIsiraeri, kunyange zvake ari muenzi kana mugari womo. 20Musambodya zvenyu chingwa chine mbiriso. Mose mamunenge mugere munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.”
Pasika yokutanga
21Mosesi akakokorodza vakuru vakuru vavaIsiraeri akati, “Endai mutorere mhuri dzenyu hwayana kana mbudzana mubayire Pasika. 22Munotora katsama ketumapazi twomuhisopu monyika muropa ramunenge maisa mumbiya, morizora pamagwatidziro omumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo. Vanhu vose ngavarege kubuda panze usiku ihwohwo hwose kudzamara kuedze. 23Tenzi paachapfuura nomunyika muno achiuraya vaIjipiti, achaona ropa pamagwatidziro okumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo, obva apfuura zvake musuo iwoyo. Haazobvumidza muparadzi kupinda mudzimba dzenyu kuzouraya. 24Imi navana venyu, chengetai izvozvi somurao wenyu narini narini. 25Kana mazosvika kunyika yamakatsidzirwa kupiwa naTenzi, chengetai zuva guru irori. 26Vana venyu vakazokubvunzai kuti, ‘Ko mabiko aya anoreveiko?’ 27imi muti, ‘Ichi chibayiro chePasika chatinoita tichirumbidza Tenzi nokuti akapfuura dzimba dzavaIsiraeri muIjipiti achiuraya vaIjipiti, asi achisiya vemhuri dzedu vari vapenyu.’ ” Ipapo vaIsiraeri vakabva vapfugama vakanamata Tenzi. 28VaIsiraeri vakaenda vakandoita zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi naAroni.
Kufa kwamatangwe
29Kuzoti pava pakati pousiku Tenzi akauraya matangwe echirume ose omunyika yeIjipiti, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe raizogara nhaka youmambo kusvikira kudangwe romusungwa akanga ari mujeri namatangwe ose ezvipfuwo. 30Usiku ihwohwo Farao namachinda ake ose navaIjipiti vose vakamuka rikave zhowezhowe kuchema muIjipiti nokuti kwakanga kusina musha wakanga usina rufu. 31Farao akadaidza Mosesi naAroni usiku ihwohwo akati, “Imi navaIsiraeri venyu chimukai mubve mukati mavanhu vangu muende kundonamata Tenzi sezvamaireva! 32Torai zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu sezvamakareva muende. Mundikomborerewo.”
33VaIjipiti vakakurudzira vaIsiraeri kuti vakurumidze kubuda munyikamo vachiti, “Kana mukasaenda tose tingapere kufa.” 34VaIsiraeri vakarongedza midziyo iyoyo yaiva nemikanyiwa yechingwa yakanga isina mbiriso. Vakaputira midziyo muhanzu dzavo vakaitakura pamapfudzi avo. 35VaIsiraeri vakaita zvavakaudzwa naMosesi. Vakakumbira vaIjipiti zvinhu zvesirivha nezvendarama nehanzu. 36Tenzi akaita kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena wokuvapa zvavakakumbira. Naizvozvo vaIsiraeri vakarozva upfumi hwevaIjipiti.
Kubuda kwavaIsiraeri muIjipiti
37VaIsiraeri vaisvika zviuru mazana matanhatu pasingaverengerwe vana navanhukadzi vakapinda murwendo rwavo. Vakabva kuRamasesi vakafamba netsoka kundosvika kuSukoti. 38Vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakaendawo navaIsiraeri. Vakaenda nemombe nezvimwe zvipfuwo zvakawanda kwazvo. 39Vakazobika chingwa chisina mbiriso nemikanyiwa iya yavakabva nayo kuIjipiti. Vakatadza kana kuisa mbiriso mumikanyiwa yechingwa nokuti vakaita zvokudzingwa muIjipiti. Pakanga pasina zvokunonoka, havana kana kuzvigadzirira mbuva yerwendo rwavo.
40VaIsiraeri vakanga vagara muIjipiti mazana mana amakore namakore makumi matatu. 41Pazuva chairo rakakwana mazana mana amakore namakore makumi matatu, ndiwo musi wakabuda hondo dzose dzavanhu vaTenzi munyika yeIjipiti. 42Usiku ihwohwo, Tenzi akarindira kuitira kuti anunure vaIsiraeri. Naizvozvo usiku ihwohwu vaIsiraeri vanofanira kugaririrawo vachipembererera Tenzi pazvizvarwa nezvizvarwa zvavo zvose.
Mitemo yezuva guru rePasika
43Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti, “Heinoi mirao yePasika. Mutorwa haabvumirwi kudya Pasika. 44Asi muranda wamakaita zvokutenga nemari, ngaatange adzingiswa ndipo paangazobvumirwa zvake kuidya. 45Muenziwo zvake kana mushandi wamarikicho haafanire kudya Pasika. 46Chirariro chePasika ngachidyirwe mumba makaremo machagadzirirwa. Musabude zvenyu kana nakanyama kayo mumba iyoyo. Regai kutyora kunyange pfupa rimwechete zvaro rehwayana yacho. 47Gungano rose ravaIsiraeri rinosungwa nomutemo wokuchengeta Pasika. 48Kana mutorwa agere nemi achidawo kuchengeta Pasika yokupemberera Tenzi, vanhurume vose vaanenge anavo ngavadzingiswe. Ndipo paangazofemerawo kuichengeta nokuti anenge angoitawo somuIsiraeri. Asi hakuna munhu asina kudzingiswa anobvumidzwa kuichengeta. 49Mutemo iwoyu unosunga zvimwechetezvo vaIsiraeri navatorwa vagere mukati menyu.” 50Tenzi zvaakanga audza Mosesi naAroni, ndozvakaitwa izvozvo navaIsiraeri. 51Pazuva iroro chairo Tenzi akaburitsa vaIsiraeri muIjipiti vari hondo nehondo dzavanhu.
Currently Selected:
Kubuda 12: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.