Kubuda 11
11
Kufa kwamatangwe omuIjipiti
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino kwasara dambudziko rimwechete randichaunzira Farao nenyika yeIjipiti ozokuregai zvenyu moenda. Farao paachanyatsoti muende achaita zvokukudzingai muno. 2Saka taurira vaIsiraeri vose vazvinzwe kuti munhu wese murume kana mukadzi ngaakumbire muIjipiti waakavakidzana naye kuti amupe zvinhu zvesirivha nezvendarama.” 3Tenzi ndokuitawo kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena. Zvakarewo Mosesi aiva munhu anoremekedzwa kwazvo munyika yeIjipiti airemekedzwa namachinda aFarao navanhu vake.
4Mosesi akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Nhasi uno pakati pousiku ndichapfuura nomuIjipiti. 5Matangwe ose echirume omunyika yeIjipiti achafa, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe achazogara nhaka youmambo kusvikira kumwanakomana wedangwe womuranda wechikadzi anoita basa rokukuya pamwechete namatangwe ose ezvipfuwo achafa. 6Munyika yose yeIjipiti muchava nokuchema kukuru kusati kwambovamo, uye hakuchazombofi kwakanzwikazve. 7Asi kuvaIsiraeri nezvipfuwo zvavo uchange uri muchete, kusina kunyange imbwa zvayo ichahukura kwavari. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndinobata vaIsiraeri navaIjipiti zvakasiyana.’ ” 8Mosesi akazopedzesa achiti, “Machinda enyu ose aya achazopfugama pasi achinditeterera kuti ini ndiende navanhu vangu vose. Ndipo pandichasimuka ndopinda munzira ndoenda.” Ipapo Mosesi akabva pana Farao akashatirwa kwazvo.
9Tenzi akanga amboudza Mosesi achiti, “Farao acharamba asinganzwi zvauchamutaurira kuitira kuti ini ndiite zviratidzo zvangu zvakawanda zvinoshamisa munyika yeIjipiti.” 10Mosesi naAroni vakaita zviratidzo zvose izvozvi zvinoshamisa Farao achiona. Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vabve munyika yake.
Currently Selected:
Kubuda 11: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.