YouVersion Logo
Search Icon

1 Samueri 26

26
Dhavhidhi anorega kuuraya Sauro rwechipiri
1Vamwe vanhu vechiZifu vakaenda kuna Sauro kuGibhea vakati, “Ko inga iye Dhavhidhi akahwanda wani kuchikomo cheHakira kumabvazuva kweJeshimoni?” 2Sauro akabvawo asimuka oenda kurenje reZifu aine zviuru zvitatu zvavarwi vano vakanyatsosarudzwa kundotsvaka Dhavhidhi murenje reZifu. 3Sauro akasvikodzika matendhe pachikomo cheHakira chiri munyasi momugwagwa kumabvazuva kweJeshimoni. Dhavhidhi akarambawo ari murenje paakanga aona kuti Sauro ari kumutsvaka murenje reZifu, 4Dhavhidhi akatuma vasori akabva anyatsoziva kuti zvechokwadi Sauro akauyako. 5Dhavhidhi akasimuka ndokuenda kuya kwakanga kune matendhe aSauro, akaona pakanga parere Sauro uyewo Abhuneru mukuru mukuru wehondo yake, mwanakomana waNeri. Izvozvo Sauro akanga arere pakati pematendhe akakomberedzwa nehondo yake.
6Dhavhidhi aikurukura naAhimereki muHiti naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruia ndokuti, “Ndiani angade kuenda neni kumatendhe aSauro?” Abhishai akati, “Ini zvangu, ndini ndichaenda nemi.”
7Saizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kwaiva navanhu vaya nousiku wanei Sauro ari kusi kwehope arere pakati pematendhe, pfumo rake rakabayirirwa pasi kumusoro kwake. Abhuneri nehondo yose vakanga varere vakamutenderera. 8Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu nhasi. Saka chiregai zvenyu ndimubayirire pasi nepfumo kamwechete chete. Handimbosweroita ruviri!”
9Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuuraya, ndiani chaizvo angasimudzire ruoko rwake muzodzwa waTenzi akasara asina nemhosva yose?” 10Dhavhidhi akapika achiti, “NaTenzi mupenyu iye Tenzi ndiye achamuuraya, kana kuti zuva rake rokufa ratosvikawo zvaro, kana kuti achangoendawo muhondo ondopararirawo ikoko. 11Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudzire ruoko rwangu muzodzwa waTenzi. Ingotora chete pfumo riri kumusoro kwake nechigubhu chemvura tiende.” 12Dhavhidhi akatora pfumo riya nechigubhu chemvura zvaiva kumusoro kwaSauro ndokuenda. Hapana akazviona kana akazviziva kana kuwana akapepuka nokuti vose vakanga vakakotsira. Uyewo nokuti vakanga vakabatwa nehope dzamandiriri dzakanga dzaita zvokubva kuna Tenzi.
13Dhavhidhi akayambukira kune imwe mhiri ndokundomira pamusoro pechimwe chikomo chakanga chiri chinhambwe. Chinhambwe chacho chakanga chakati kureiwo kwazvo. 14Dhavhidhi akadaidzira kuhondo iya kuna Abhuneri mwana waNeri achiti, “Haudaire here iwe Abhuneri?” Abhuneri akadaira achiti, “Ndiwe ani unodaidza mambo iwe?”
15Dhavhidhi ndokuti kuna Abhuneri, “Hausi mukono here iwe? Ndiani angamboenzaniswa newe muIsiraeri? Zvino warega seiko kuchengeta mambo, tenzi wako? Zvakuine mumwe munhu wani asvikako achida kuparadza mambo, tenzi wako. 16Izvi zvawaita izvi hazvina kunaka. NaTenzi chaiye mupenyu munofanira kufa nokuti hamuna kuchengeta mambo tenzi wenyu, muzodzwa waTenzi. Chimbotarisa uone pfumo ramambo nechigubhu chake chemvura zvanga zviri kumusoro kuti zviri kupi?”
17Sauro akabva aziva izwi raDhavhidhi akati, “Ndiwe here mwanangu Dhavhidhi uri kutaura nomuromo wako?” Dhavhidhi akati, “Ee ndini ndiri kutaura nomuromo wangu chaiwo mambo changamire.” 18Akatizve, “Changamire, chii chamarambira makati tsvome tsvome neni kundironda kudai ini muranda wenyu? Chii chandakaita? Ndeipi mhosva yandakapara? 19Naizvozvo Mambo, chimbonzwaiwo zvandava kutaura ini muranda wenyu kwamuri changamire. Kana ari Tenzi ari kukupai mweya wokundimukira uyu, dai angogamuchira zvake mupiro, asi kana vari vanhu Tenzi ngaavaone nokuti ndokutondidzinga kwavakaita ikoku zvandiri nhasi vachinditadzisa kuti ndiwanewo chandingawana panhaka yatakapiwa naTenzi vachiti ndibve ndiende kundonamata vamwe vamwari vasirivo. 20Zvino dai ropa rangu rarega zvaro kudeurirwa kure nenzvimbo yaTenzi inoera. Ndinodaro nokuti mambo weIsiraeri abudira ini zvangu nhata zvayo, sehombarume iri kuvhima hwerekwere mumakomo.”
21Sauro akati, “Ndakanganisa chidzoka zvako mwanangu Dhavhidhi. Handina chimwe chakaipa chandichaita kwauri nokuti waona upenyu hwangu huri chinhu chakakosha kwauri nhasi. Hezvika ndaita zvoupenzi chaizvo, ndatadza kwazvo!”
22Dhavhidhi akapindura achiti, “Pfumo ramambo iri. Rimwe jaya ngariuye kuno kuzoritora. 23Tenzi anopa mubayiro munhu akarurama akatendeka. Nhasi uno Tenzi akuisai mumaoko angu asi ini ndarega zvangu kusimudzira ruoko rwangu muzodzwa waTenzi. 24Nhasi uno ndaona upenyu hwenyu sechinhu chakakosha. Dai Tenzi akaonawo upenyu hwangu sechinhu chakakosha akandinunura munhamo dzangu dzose.”
25Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Mwari ngaakukomborere zvako mwanangu Dhavhidhi. Uchanyatsoita zvinhu chaizvo, uchibudirira kwazvo.” Dhavhidhi akaenda zvake Sauro akadzokera kwake.

Currently Selected:

1 Samueri 26: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in