1 Samueri 27
27
D: DHAVHIDHI ARI MUNYIKA YAVAFIRISITIA
1Dhavhidhi akazviti nechomumwoyo, “Pangu pachandiperera chete rimwe zuva naSauro uyu. Hapana chimwe chandingaite asi kutokurumidza kutizira kunyika yevaFirisitia. Sauro achabva anetawo nazvo zvokundivhima izvi munyika yose yeIsiraeri, ndigopunyuka mumaoko ake.” 2Nokudaro Dhavhidhi navanhu vake mazana matanhatu vaaiva navo akasimuka akayambukira kwaAkishi mambo wokuGati, mwanakomana waMaoki. 3Dhavhidhi akaita musha kuGati achigara naAkishi, iye pamwechete navanhu vake, mumwe nomumwe nemhuri yake. Aiva navakadzi vake vaviri, Abhinoamu wokuJezireeri naAbhigairi wokuKarimeri, chirikadzi yaNabhari. 4Shoko parakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi akatizira kuGati, Sauro akabva aregera zvokumutsvaka. 5Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana muchida zvenyu, ndipeiwo nzvimbo yokugara mune rimwe guta renyu rokumaruwa ndigare zvangu ikoko. Zvinenge zvisina kunaka kuti ini muranda wenyu ndigare pamwechete nemi mumuzinda wenyu.” 6Musi iwoyo, Akishi akamupa guta reZikiragi, nokudaro Zikiragi rakabva rava guta ramadzimambo okwaJudha kusvikira pari nhasi. 7Dhavhidhi akagara munyika yavaFirisitia gore nemwedzi mina. 8Dhavhidhi navarwi vake vakakwira kundopamba vaGeshuri nevaGeziri navaAmereki nokuti vanhu ivava kubvira pasichigare ndivo vaigara kumatunhu okunge tava kuenda kuShuru nokuIjipiti. 9Dhavhidhi paakarwisa matunhu iwayo, haana kumbosiya munhu, murume kana mukadzi, ari mupenyu. Aituta hwai nemombe namadhongi nenghamera nezvokupfeka obva adzokera kuna Akishi. 10Akishi aizomubvunza kuti, “Ko wanga waenda kundorwisa kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Ndandorwisa Negevhu yokwaJudha,” kana kuti “Negevhu yokwaJerahimeeri neNegevhu yokuvaKeni.” 11Dhavhidhi haaimbosiya munhu ari mupenyu, murume kana mukadzi kuitira kuti pasawane anounza shoko kuGati rokuti ndizvo zviri kuitwa naDhavhidhi izvi. Ndiko kaiva katsika kaDhavhidhi ikaka nguva yose yaaigara mumatunhu avaFirisitia. 12Akishi akavimba naDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi anyatsozvivengesa chaizvo navanhu vake vechiIsiraeri, saka achagara ari muranda wangu narini.”
Currently Selected:
1 Samueri 27: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.