YouVersion Logo
Search Icon

1 Samueri 16

16
III: SAURO NADHAVHIDHI
A: KUZODZWA KWADHAVHIDHI
1Tenzi akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchingochema Sauro iwe uchiona zvako kuti ndamuramba kuti ave mambo weIsiraeri? Zadza nyanga namafuta ndikutume uende kuna Jese muBheterehemu nokuti ndazviwanira mambo mukati mavana vake.”
2Samueri akati, “Ndingagoenda sei? Sauro akazvinzwa anondiuraya.” Tenzi ndokuti, “Tora tsiru mudanga uende naro unoti iwe, ‘Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi.’ 3Zvino iwe ukoke Jese kuchibayiro, ndichakuratidza zvokuita. Unozofanira kundizodzera wandinenge ndakuudza nezita.” 4Samueri akaita zvaakanga audzwa naTenzi, akaenda kuBheterehemu. Vakuru vakuru vomuguta iri vakauya kuzochingurana naye vachidedera nokutya. Vakuru ava vakati, “Ko kwakanaka here?”
5Samueri akati, “Aiwa kwakanaka zvako. Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi. Zvichenurei tiende tose kuchibayiro.” Samueri akachenura Jese navanakomana vake akavakoka kuchibayiro.
6Pakusvika kwavakaita, Samueri akatarisa Ereabhu akazviti nechomumwoyo, “Chokwadi uyu ari pana Tenzi ndiye muzodzwa wake.”
7Asi Tenzi akati kuna Samueri, “Usatarise chimiro chake kana mhumhu wake nokuti ndamuramba. Chikonzero ndechokuti maonero angu ini Tenzi akasiyana namaonero omunhu, nokuti munhu anotarisa munhu maziso, asi ini Tenzi ndinotarisa mumwoyo.”
8Jese akadaidza Abhinadhabhu akati apfuure napana Samueri. Samueri akati, “Kana naiyeyuwo Tenzi haana kumusarudza.” 9Jese akati Shama apfuurewo napo. Samueri akati, “Kunyangewo naiyeyu Tenzi haana kumusarudza.” 10Jese akati vana vake vakomana vose vari vanomwe vapfuure napaiva naSamueri. Asi Samueri akati kuna Jese, “Tenzi haana kumbosarudza ivava.” 11Samueri akazoti kuna Jese, “Vari pano ava ndivo vanakomana vako vose here?” Jese akapindurawo achiti, “Kune mumwe gotwe racho, asi zvino ari kufudza hwai.”
Samueri akati kuna Jese, “Tumai munhu andomutora nokuti hatimbogara pakudya asati asvika.” 12Nokudaro akatumira munhu akauya naye. Wakanga akati tsvukurukei aine maziso anoyevedza ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi ndokuti, “Simuka uzodze iyeyu ndiyeyu wacho.” 13Samueri akatora nyanga izere mafuta akamuzodza pakati pavakoma vake. Mweya waTenzi wakabvawo wauya zvine simba guru kwazvo pana Dhavhidhi kubvira musi iwoyo zvichienda mberi. Samueri akasimuka ndokudzokera zvake kuRama.
14Zvino Mweya waTenzi wakabva pana Sauro, ndokubva otambudzwa nomweya wakaipa wakabva kuna Tenzi. 15Varanda vaSauro vakati kwaari, “Chionaika pava nomweya wakabva kuna Mwari uri kukutambudzai. 16Changamire. Dai zvenyu mukati isu varanda venyu, iyesu vokukushandirai, tikutsvakirei munhu anonyatsogona kuridza dimbwa wokuti kana mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi uchinge wauya pamuri apote achiriridza imi mova zvenyu nani.” 17Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei zvenyu munhu anonyatsogona kuridza wacho muuye naye kwandiri.”
18Mumwe muranda akapindura achiti, “Mufunge zvenyu, ndakaona mumwe mwanakomana waJese muBheterehemu shasha chaiyo yokuridza, munhu ane chivindi, mvumba chaiyo yokurwa hondo. Inyanzvi pakutaura, murume ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi anaye.”
19Naizvozvo Sauro akatumira nhume kuna vaJese achiti, “Nditumire kuno mwana wako mukomana ari kufudza hwai.” 20Jese akatora dhongi ndokuritakudza chingwa nechigubhu chewaini nembudzana, akati mwana wake Dhavhidhi aigire Sauro. 21Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akatanga kumushandira. Sauro akamuda kwazvo akabva ava munhu wokumutakurira zvombo zvake zvehondo. 22Sauro akatumira Jese shoko rokuti, “Regai zvenyu Dhavhidhi arambe achindishandira nokuti ini ndamuda.” 23Zvino kwaiti kana Sauro agarwa nomweya wakaipa uya waibva kuna Mwari, Dhavhidhi aitora dimbwa mumaoko oriridza, Sauro aibva afefeterwa omboita nani, mweya wakaipa uya wobva paari.

Currently Selected:

1 Samueri 16: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in