YouVersion Logo
Search Icon

1 Samueri 15

15
Hondo yaSauro navaAmareki
1Samueri akati kuna Sauro, “Ndakatumwaka ini naTenzi kuti ndikuzodze, kuti uve mambo wavanhu vake vaIsiraeri. Saka zvino chinzwa zvarehwa naiye Tenzi. 2Zvanzi naTenzi, Samasimbaose, ‘Ndinoda kuranga Amareki nezvavakaitira Isiraeri zvokuvagariridza munzira pavaibva kuIjipiti. 3Zvino enda urwise vaAmareki unyatsoparadza zvose zvavanazvo, usavanzwire tsitsi, asi unofanira kutouraya kubvira kuvarume kusvikira kuvakadzi nokubvira pamwana kudzamara kurusvava ruchiri kuyamwa, kubvirawo pamombe kusvikira kuhwai uyewo kubvira pangamera kudzamara kudhongi.’ ”
4Nokudaro Sauro akakoka vanhu kuti vaungane akavaverenga paTeraimu vakakwana mazana maviri ezviuru zvavarume vokufamba netsoka kwouyawo vokwaJudha gumi rezviuru zvavarume. 5Sauro akaenda kuguta revaAmareki akasvikoti vamwe vaite zvokuhwandira mumupata. 6Sauro akaruma vaKeni nzeve achiti, “Ibvai pano budai mukati mevaAmareki, ndingadaro ndikakubatanidzirai nevaAmareki. Ndinodaro nokuti makaitira vaIsiraeri vose tsiye nyoro pavaibva kuIjipiti.” VaKeni vakabva vabva mukati mevaAmareki.
7Sauro akabva akurira vaAmareki kubvira kuHavhira kusvikira kuShuru, kumabvazuva kweIjipiti. 8Akabata Agagi mambo wevaAmareki ari mupenyu. Asi vamwe vanhu vose akanyatsovauraya namapakatwa. 9Asi iye Sauro navanhu vake vakaitira Agagi tsiye nyoro vakarega kumuuraya. Vakaregawo kuuraya hwai nemombe dzakanga dzakanakisisa, nehwayana nezvigondora zvakanga zvakakora nezvose zvakanga zvakanaka izvozvo zvose havana kana kuzviparadza asi zvimwe zvose zvaiva nechinoshoreka pazviri zvakanga zvisina maturo ndizvo zvavakanyatsoparadza chaizvo.
Kurambwa kwaSauro paumambo
10Shoko raTenzi rakasvika kuna Samueri rikati, 11“Ndava kutokungura kuti dai zvangu ndisina kugadza Sauro umambo nokuti zvokunditevera asiya, atondifuratira arega zvake kuteerera mitemo yangu.” Zvakatsamwisa Samueri akararirochema usiku hwose kuna Tenzi. 12Samueri akafumomuka mangwanani kundoonana naSauro. Samueri akaudzwawo kuti, “Sauro anga ari kuKarimeri. Mufungeka akazvidzikira shongwe ikoko ndokusimudzira zvake rwendo rwake odzika akananga kuGirigari.” 13Samueri akazosvika kuna Sauro, Sauro akakwazisana navo achiti, “Tenzi ngaakukomborerei! Ndakaita zvakataurwa naTenzi.”
14Samueri ndokuti, “Ko chandiri kunzwa kuti bhererere hadzisi hwai here? Ko chiri kunzwika kukuma hadzizi mombe here?”
15Sauro akati, “Dzakauya navanhu kubva kuvaAmareki nokuti mombe nehwai idzodzi dzakanakisisa kwazvo havana kudziuraya vachiitira kuzobayira Tenzi, Mwari wenyu zvibayiro. Asi zvimwe zvose takanyatsozviparadza.”
16Samueri ndokuti kuna Sauro, “Chinyarara! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naTenzi usiku hwapfuura.” Iye akavati, “Ee taurai zvenyu.”
17Samueri akati, “Kunyange zvazvo waizviona sokunge munhu pasina asika ndiwe mutungamiriri wamadzinza evaIsiraeri. Tenzi akakuzodza achikugadza umambo hwomuIsiraeri. 18Tenzi ane basa raakakutuma. Akati, ‘Enda undotsakatisa vatadzi ava vaAmareki uvarwise kusvikira vapera kuti nho.’ 19Wakagoregererei kuteerera zvakanzi naTenzi uite? Ko wakabhururukira zvinhu zvokupamba sei, uchitadzira Tenzi nechakaipa chakadaro?”
20Sauro akapindurawo Samueri achiti, “Ko inga ndakaita wani zvakanzi naTenzi zviitwe. Ndakaitaka ini basa randakatumwa naTenzi. Ndakangouya naAgagi mambo weAmareki asi ndakatsakatisa vamwe vaAmareki vose. 21Asi vanhu vakatoraka mombe nehwai idzi pazvinhu zvaiva zvapambwa. Vakatora zvaiva zvakanakisisa kwazvo pazvinhu zvakanga zvakaturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe kuti vazopira izvozvo kuna Tenzi, Mwari wenyu kuGirigari.” 22Samueri ndokutiwo,
“Tenzi anofarira here mipiro yokupisa
kana kuti zvibayiro?
Handiti Tenzi anotofarira kuti
izwi rake riteererwe?
Chinzwa!
Kuteerera kuri nani pane kupira chibayiro,
kuva unonzwa kuri nani
pane kupira mafuta ehondohwe;
23nokuti kupanduka chitadzo chimwechetecho nokushopera,
kuzvitutumadzawo chiri chimwecho nouipi
nokunamata zvifananidzo.
Zvawaramba kuteerera Tenzi,
naiyewo akurambawo paumambo.”
24Sauro akati,
“Inga ndakatopara chitadzo
nokuti ndakatyora mutemo waTenzi,
ndakatadzawo kuchengeta mashoko enyu
pamusana pokuti ndakatya vanhu,
nokuteerera kwandakaita zvavaireva.
25Saka zvino ndinokumbirisawo
ndiregerereiwo chitadzo changu,
tidzokere tose kwakare
ndindonamata Tenzi pakare.”
26Samueri akati kuna Sauro,
“Handiende newe ini nokuti wakaramba shoko raTenzi,
naiyewo Tenzi akurambawo paumambo hwomuIsiraeri.”
27Zvino Samueri paakangoti furatirei oda kuenda, Sauro ndiye dzvi kumubata, hanzu ikabva yabvaruka. 28Samueri ndokumuti, “Tenzi abvarurawo umambo hwomuIsiraeri kwauri nhasi uno, akahupa mumwe wako ari nani panewe. 29Uyewo iye Mbiri yeIsiraeri haanyepi, chaanenge ataura ndichocho, haasanduke-sanduke nokuti haasiri munhu, munhu anosanduka-sanduka iye haadaro.”
30Sauro akati, “Ndakaita chitadzo. Asi dai ukandinyarawo ukandiremekedzawo zvako pana makurukota avanhu vangu napamberi peIsiraeri tidzokere tose ndindonamata Tenzi, Mwari wako.”
31Saka Samueri akadzokera naSauro, Sauro akandonamata Tenzi.
32Samueri akati, “Ndiunzirei pano Agagi mambo wevaAmareki.” Agagi akauyapo achifara zvake. Izvozvo Agagi aiti, “Zvorufu hapachisina.” 33Asi Samueri akati, “Bakatwa rako raisiya vakadzi vasisina vana. Saizvozvo amai vako vava kusarawo pakati pavakadzi vasisina mwana.” Samueri akaita Agagi kanyama kanyama pana Tenzi kuGirigari.
34Samueri akaenda kuRama, asi Sauro akaenda kumusha kwake kuGibhea rokwaSauro. 35Samueri haana kumbozoonanazve naSauro kusvikira kufa kwake. Asi Samueri akachema Sauro, uku Tenzi achitokungura kuti dai zvake asina kumbogadza Sauro umambo hwomuIsiraeri.

Currently Selected:

1 Samueri 15: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in