YouVersion Logo
Search Icon

1 Samueri 14

14
Kushinga kwaJonatani
1Mumwe musi Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi vechiFirisitia.” Asi Jonatani haana kuudza baba vake. 2Izvozvo Sauro akanga achigara kumucheto kweguta reGibhea, munyasi momuti womupomegiraneti kuMigironi aiva navarume vaikaroda kusvika mazana matanhatu avanhu. 3Abhiya aipfeka hanzu yeefodhi. Abhiya uyu aiva mwanakomana waAhitubhu mukoma nomunun'una naIkabhodhi, mwanakomana waFinehasi mwanakomana waEri mupristi waTenzi wokuShiro. Asi vanhu havana kunge vaziva kuti Jonatani akanga aenda.
4Zvino pamupata ipapo paida kupfuura napo Jonatani kuti aende kwaiva nechikwata ichi chavarwi vechiFirisitia paiti uku zidombo uku zidombo. Rimwe racho rainzi Bhozezi, rimwewo richinzi Sene. 5Rimwe racho raiva nechokuchamhembe kwomupata iwoyo kwakatarisana neguta reMikimashi, rimwewo nechokumaodzanyemba kwakatarisana neGebha.
6Jonatani akati kujaya riya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi ava vasina kudzingiswa. Dzimwe nguva Tenzi angawane chaangatiitire nokuti hapana chingarambidze Tenzi kuponesa vanhu achishandisa vanhu vazhinji kana vashoma.”
7Uya aitakura zvombo zvake akati, “Itai zvenyu chamunenge mafunga mumwoyo menyu. Kana ndirini ndinemi, zvamunenge mangosarudza nemwoyo wenyu ndozvandinoda.”#14:7 muchiHebheru hamuna izwi rokuti ndozvandinoda.
8Jonatani ndokuti, “Chiregai tiende kwavari tindomira pavanotiona. 9Kana vakatiti, ‘Miraipo, tiuye ikoko,’ isu ticharamba timire patinenge tiri torega kukwira tichienda kwavanenge vari. 10Asi kana vakati, ‘Kwirai kuno kwatiri,’ isu tinobvawo takwirako nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Tenzi atovaisa mumaoko edu.”
11Ipapo vose vari vaviri vakaenda vakandomira pavaikwanisa kuonekwa nechikwata chiya chavarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, “Onai onai, vaHebheru vaya vava kudzumbunuka zvino mumakomba mavanga vakahwanda.” 12Varwi vaya vakadaidzira kuna Jonatani nouya aimutakurira zvombo zvake zvehondo vachiti, “Uyai kuno tikudzidzisei.”
Jonatani ndokuti kune wokumutakurira zvombo zvake zvehondo, “Nditevere nokuti Tenzi atovaisa mumaoko eIsiraeri.” 13Jonatani akakwira achiita zvokukambaira, mutakuri wezvombo zvake zvehondo akati sika-sika mushure kutevera. Jonatani akavarakatisa, mutakuri wezvombo zvake zvehondo achitevera achivapupura. 14Pakuuraya vaFirisitia ikoku kwokutanga kwakaitwa naJonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo uyu kwakafa varume vaikarosvika makumi maviri. Vakaurayirwa pakanzvimbo kanoda kukwana muforo mumwechete. 15Hondo yose yavaFirisitia yakazengezana kutya. Kwaiti vapamatendhe avo navaiva musango nezvimwe zvikwata zvavarwi nezvevarwi vokundopamba vose vakadedera nokutya. Nyika yakandengendeka, kukava nokutya kukuru kwazvo kwaibva kuna Mwari.
Kukundwa kwavaFirisitia
16Nharirire dzaSauro dzaiva kuGibhea kwaBhenjamini dzakatarisa onei hondo yose yevaFirisitia rangove besanwa kutiza. 17Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, “Verengai varwi muone kuti asipo ndiani.” Vakavaverenga, wanei kuti Jonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo havapo. 18Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neefodhi#14:18 Neefodhi: izvi ndizvo zviri muchiGiriki; chiHebheru chinoti, “Unzai kuno bhokisi raMwari rechitenderano.” Akadaro nokuti musi iwoyo vaIsiraeri vaifamba vaine bhokisi raMwari rechitenderano. nokuti ndiye aitakura efodhi muIsiraeri.” 19Sauro achitaura nomupristi kudaro bongozozo rokumatendhe evaFirisitia rakabva ratonyanya kwazvo. Sauro akati kumupristi, “Chiregai zvenyu zvamuri kuita.” 20Sauro navanhu vose vaaiva navo vakaungana vakaenda kundorwa. Izvozvo vaFirisitia vakanga vachitobayana pachavo, kukaita manyongori akaipisisa kwazvo. 21Kunyange vamwe vaHebheru vaimbova navaFirisitia vakanga vauyawo navo kuhondo vakapandukira vaFirisitia vakaenda kudivi revaIsiraeri vaiva naSauro naJonatani. 22Zvino vaIsiraeri vose, varume vakanga vakahwanda munyika yamakomo yaEfuremu vakanzwa zvichinzi vaFirisitia vaya vava mushishi rokutiza, vakabva vapindawo muhondo vakadzingirirana navo kwazvo. 23Naizvozvo Tenzi akanunura vaIsiraeri zuva iroro. Hondo iyoyi yakarwiwa kudzamara kupfuura kuBhetiavheni.
Zvakazoitika mushure mokurwisana
24VaIsiraeri vose varume vakasuruvara kwazvo musi iwoyo nokuti Sauro akanga apikira vanhu mhiko achiti, “Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya zuva risati radoka ini ndisati ndatsividza vavengi vangu.” Saka hakuna kana munhu akaisa chinhu mukanwa. 25Vanhu ivava vose vakasvika mune rimwe sango makanga mune uchi hwaiva pachena. 26Vanhu pavakapinda musango iroro onei mune uchi huchitoita zvokuerera zvahwo. Asi hakuna kana munhu akahunomborera mukanwa kuhudya nokuti vanhu vaitya mhiko iya. 27Asi Jonatani haana kunge anzwa kuti baba vake vakanga vatsidzira vanhu nemhiko. Akasveerera nomudonzvo waaiva nawo mumaoko, ndokunyika kwokupedzesera kwawo muzinga rouchi, ndokuhunomborera mukanwa akabva abengenuka meso. 28Asi mumwe wavo akamuti, “Baba venyu vanyatsosimbisisa kwazvo kutsidzira vanhu nemhiko vachiti, ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya nhasi uno.’ ” Vanhu vakaziya nenzara.
29Jonatani ndokuti, “Inga baba vangu vapa vanhu mutoro chaiwo. Asi ini tarisai muoneka, ndatobengenuka meso nokuravira kwandangoita tuuchi utwu. 30Ko kutozoti dai nhasi vanhu vanga vanyatsodya zvavo zvavapamba kuvavengi vavo, zvavatoita zvavo zvokuwanikidza kudai iye zvino vaFirisitia vangadai vasina kunge vatoparadzwa zvakanyanya here?”
31Musi iwoyo vakarakatisa vaFirisitia kubvira kuMikimashi kudzamara kuAijaroni, asi vanhu vakaziya nenzara. 32Vanhu vakawirirana kutora zvakanga zvapambwa. Vakatora hwai nemombe nemhuru vachidziurayira pose pose pasi, vakadya nyama isina kusinzwa ropa. 33Vamwe vakataurira Sauro kuti, “Zvamunoonaka, vanhu vari kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.” Iye ndokuti, “Ndokusatendekaka ikoko. Chikungurutsirai zidombo guru pano pandiri.” 34Sauro akabvawo ati, “Chipararirai nomuvanhu muvati, ‘Munhu wose ngaauye nemombe yake kana kuti hwai yake kuno kwandiri mudzibayire pano, mozodya zvenyu murege kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.’ ” Usiku ihwohwo munhu wose akaendako nemombe yake vakadziurayira ikoko. 35Sauro akavakira Tenzi atari. Ndiyo atari yake yokutanga kuvakirawo Tenzi.
36Sauro akazoti, “Ngatirondei vaFirisitia nousiku huno, tivapambe, tirege kusiya kana nomumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakati, “Itai zvenyu zvamunenge mada.” Asi mupristi akati, “Ngatimbonzwai kuna Mwari.”
37Sauro akabvunza kuna Mwari kuti, “Ndoronda here vaFirisitia kana kuti kwete? Ko, muchavaisa mumaoko evaIsiraeri here?” Asi musi iwoyo Mwari haana kumupindura. 38Sauro akati, “Uyai pano imi mose vatungamiriri vavanhu muongorore mugoona kuti zvechitadzo ichi zvauya sei nhasi. 39Chokwadi ndinopika naTenzi mupenyu, iye mununuri weIsiraeri, kunyange zvazvo akava Jonatani mwana wangu chaiye, anotopafa chete.” Asi pavanhu vose ivavo hapana nomumwe akamupindura chinhu. 40Sauro akati kuvaIsiraeri vose, “Imi mirai uku, ini nomwana wangu Jonatani timirewo uku.” Vanhu vakati kuna Sauro, “Itai zvamunenge muchida.”
41Naizvozvo Sauro akati kuna Tenzi Mwari wavaIsiraeri, “Ndiisireiwo pachena#14:41 Ndiisireiwo pachena: muchiGiriki munoti Maragereiko kupindura muranda wenyu nhasi. Kana chakaipa ichi chakakonzerwa nemwana wenyu Jonatani kana neni imi Tenzi, Mwari weIsiraeri ratidza URIMU. Asi kana zvakakonzerwa navanhu venyu vaIsiraeri ratidza THIMIMU. zvechokwadi zvacho.” Jonatani naiye Sauro vakabva vabatwa nechin'ange chikasiya vamwe vose. 42Sauro ndokuti, “Itai chin'ange pakati pangu ini nomwanakomana wangu Jonatani.” Jonatani ndokubva abatwa. 43Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze zvawaita?” Jonatani akamuti, “Ndangoti nomborei tuuchi nomuromo wetsvimbo yangu. Ndinofanira zvangu kufa.”
44Sauro akati, “Mwari ngaandione kana iwe Jonatani ukarega kufa!”
45Asi vanhu vakarambira Sauro vachiti, “Munoti Jonatani afe? Anunura Isiraeri zvakakura zvikadai! Hazvimboitika! Tinopika naTenzi mupenyu, haambofanira kana kubatwa-batwa zvake kunyange ruvhudzi rwake nokuti ashanda naMwari nhasi.” Naizvozvo vanhu vakanunura Jonatani akarega kufa.
46Sauro akabva aregera kuronda vaFirisitia. VaFirisitia ndokubva vadzokerawo kwavo.
Kutonga kwamambo Sauro
47Sauro akati agara umambo hwomuIsiraeri, akarwisa vavengi vake vose kumativi ose vaiti: vaMoabhu nevaAmoni nevaEdhomu kwoti madzimambo okuZobha kwozouya vaFirisitia. Kwose kwose kwaaienda aisiya avashura mare. 48Aiva gamba chairo mukurwa, akakurira vaAmareki akanunura Isiraeri mumaoko avanhu vaivapamba.
Mhuri yamambo Sauro
49Vana vaSauro vakomana vaiva Jonatani naIshivhi naMarikishua, vasikanawo vaiva vaviri, wedangwe ainzi Merabhi, muduku achinzi Mikari. 50Mudzimai waSauro ainzi Ahinoamu mwana waAhimaazi. Mutungamiriri wehondo yake ainzi Abhuna mwanakomana waNeri, babamudiki waSauro. 51Baba waSauro ainzi Kishi. Neri baba waAbhuna akaberekwa naAbhueri.
52Paupenyu hwose hwaSauro paigara pakarwiwa chete zvakaomarara navaFirisitia. Iyewo Sauro aiti akaonawo munhu ane simba, kana wose aiva nechivindi, aibva amupinza muhondo yake.

Currently Selected:

1 Samueri 14: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in