1 Samueri 10
10
1Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadururira mumusoro waSauro akamutsvoda akati, “Handiti Tenzi, izvozvi atokuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake vaIsiraeri? Ndiwe uchatonga vanhu vaTenzi uchivanunurawo kuvavengi vavo vari munharaunda yavo. Chiratidzo chauchaziva nacho kuti Tenzi akuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake ndechichi chokuti, 2paunobva pano pandiri iye nhasi uno uchandosangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri kumuganho wenyika yokwaBhenjamini kuZeriza vachakutaurira kuti, ‘Madhongi awakanga uchitsvaka akawanikwa.’ Asi zvino baba vako havasisiri kunetseka nezvemadhongi vava kutotambudzika mumwoyo pamusoro pako vachiti, ‘Ndoita waaniko nezvemwana wangu?’ 3Kana wabva ipapo uchienda mberi uchasvika napamuoku wokuTabheri. Ipapo uchasangana navarume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBhetieri. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura zvingwa zvitatu, mumwewo achange akatakura chigubhu chematehwe chewaini. 4Vachakukwazisa vagokupa zvingwa zviviri. Iwe unofanira kuzvigamuchira. 5Uchazosvikawo kugomo rinonzi Gibheatierohimu#10:5 Gibheatierohimu: muchiHebheru zita iroro rinoreva kuti Gomo raMwari. ikoko kune kachikwata kavarwi vechiFirisitia. Wava kupinda muguta iroro uchasangana nedungwerungwe ravaporofita vachiburuka kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira vachitungamirirwa navanhu vanenge vachiridza madimbwa nengoma nenyere nezvipendani, vachiporofita.
6“Mweya waTenzi achabva auyawo zvine simba guru kwazvo pauri iwe ugoporofita pamwechete navo. Iwe uchasanduka ukava mumwe munhu akasiyana nezvauri izvi. 7Ukange waona zviratidzo izvozvi zvaitika uite zvaunoona kuti zvinodiwa kuitwa nokuti Mwari anewe. 8Zvino iwe unozofanotungamira kuGirigari. Ini ndichakutevera kuzopira mipiro yokupisa nokupirawo zvibayiro zvokuwadzana. Unondimirirako kwamazuva manomwe kudzamara ndasvika ndigokuratidza zvokuita.”
9Sauro paakafuratira Samueri oenda zvake, Mwari akamupa mumwe mwoyo zviratidzo zvose izvi zvikabva zvaitika zuva iroro. 10Pavakasvika kuGibhea boka ravaporofita rakabvawo rasangana naye. Mweya waMwari wakabva wauyawo paari zvine simba guru kwazvo ndokubva ava kuporofita. 11Vose vaimbomuziva kare pavakamuona achiporofita kudaro navaporofita vakabvunzana vachiti, “Ko mwanakomana waKishi apindwa nei? Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” 12Mumwewo murume weko akati, “Ko Baba vavo ndiani? Munoti iwo mweya wokuporofita unobva kunaaniko?” Ndokusaka kwakabva kwava netsumo yokuti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” 13Sauro paakapedza kuporofita akaenda kunzvimbo yepo yakatunhumara yokuteurira.
14Baba mudiki vaSauro vakabvunza iye Sauro nomuranda wake kuti, “Makanga muri kupiko?” Sauro ndokuti, “Takanga tichitsvaka madhongi. Asi patakaona kuti haasi kuwanikwa taashaya takazoenda kuna Samueri.”
15Baba mudiki vaSauro vakati, “Tipirewoka tinzwe zvamakaudzwa naSamueri?”
16Sauro akapindura baba mudiki wake achiti, “Akanyatsotizivisa pachena kuti madhongi akawanikwa.” Asi nenyaya yezvoumambo yaakanga audzwa naSamueri, hapana kana chaakavataurira.
Kusarudzwa kwaSauro nechin'ange
17Samueri akakokera kuti vanhu vaungane kuna Tenzi kuMizipa akataurira vaIsiraeri achiti, 18“Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakaburitsa vaIsiraeri muIjipiti ndikakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko amadzimambo ose aikubatai zvakaipa.’ 19Asi imi nhasi uno maramba Mwari wenyu anokununurai munjodzi dzenyu nomunhamo dzenyu dzose. Asi imi mati, ‘Kwete, itotigadzirai mambo wokutitonga!’ Saka zvino chiuyai pana Tenzi muri dzinza nedzinza, imba nemba.”
20Samueri paakapinza madzinza ose avaIsiraeri mudariro, dzinza rokwaBhenjamini ndorakabva rabatwa nechin'ange. 21Vakazopinza dzinza rokwaBhenjamini mudariro imba nemba, imba yokwaMatiri ikabatwa nechin'ange. Vakazopinza vemba yokwaMatiri mudariro mumwechete mumwechete, chin'ange chikabata Sauro mwanakomana waKishi. Asi zvino pavakati vamutsvake vakamushaya. 22Saka vakabvunzazve kuna Tenzi vachiti, “Ko munhu iyeyo ambouya here?” Tenzi ndokupindura achiti, “Ehe auya. Akahwanda zvake mukati memikwende.”
23Vakamhanya vakandomutora ikoko. Paakamira pakati pavanhu akanga akapfuura vanhu vose kureba, vamwe vose vachingomirira mumapendekete make. 24Samueri akati kuvanhu vose, “Mamuonaka munhu akasarudzwa naTenzi? Hakuna mumwe angaenzaniswe naye.” Vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Mambo! Hekani waro, ngazvigare zvakadaro!”
25Samueri akataurira vanhu mitemo inofanira kutevedzwa munyika inenge ichitongwa namambo. Akanyora bumbiro remitemo iyoyi akandoisa bhuku racho pana Tenzi. Samueri akati vanhu vose vachienda zvavo kumisha yavo. 26Sauro akaendawo kumusha kwake kuGibhea. Akaendawo navamwe varume, mvumba chaidzo dzokurwa vakanga vabatwa mwoyo naMwari. 27Asi vamwewo vanhu vasina namaturo ese vakati, “Munoti iyeyu akadai ndiye angatiponese iyeyu?” Vakamushora vakarega kumupa zvipo. Asi Sauro haana zvake zvaakataura.
Currently Selected:
1 Samueri 10: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.