YouVersion Logo
Search Icon

1 Samueri 9

9
1Kwaiva nomumwe murume wokwaBhenjamini ainzi Kishi mwanakomana waAbhieri mwanakomona waZerori mwanakomana waBhekorati mwanakomana waAfia wedzinza rokwaBhenjamini. Aiva munhu aizikanwa kwazvo. 2Munhu iyeyu akanga ane mwanakomana wake ainzi Sauro akanga ari jaya rine chimiro chakanakisa kwazvo. PavaIsiraeri pakanga pasina mumwe munhu aikwanisa kuenzaniswa naye parunako. Aiva akapfuura vanhu vose kureba, vamwe vose vachingomirira mumapendekete ake.
3Rimwe zuva madhongi aKishi, baba waSauro akarasika. Kishi ndokutaurira mwana wake Sauro achiti, “Tora mumwe muranda musimuke muende kundotsvaka madhongi.” 4Sauro akapfuura nomunyika yamakomo yokwaEfuremu, akapfuurawo nomudunhu rokuSharisha, asi haana kuawana. Akaendawo nomudunhu rokuShaarimu asi haana kuawana. Akazoendawo nomudunhu rokuZufu asi haana kuawana. 5Sauro paakasvika kudunhu reZufu akati kumuranda wake waaiva naye, “Ngatichidzokai! Baba vangazodaro vakarega kufunga nezvamadhongi vakatozonetseka mumwoyo voshushikana nezvedu.” 6Muranda akamupindura achiti, “Muguta iri mune munhu waMwari, munhu anoremekedzeka. Zvose zvaanotaura zvinoitika. Zvino dai tikaendako, zvimwe angatiudze zvatiri kufambira.”
7Sauro akati kumuranda wake, “Hongu kuendako tingaende zvedu, asi tingandomupeiko? Chandinodariro ndechichi chokuti, chingwa chapera mutsapo dzedu. Hatina kana rechii chokupa munhu waMwari iyeyu. Chii chatinacho?”
8Muranda uyu ndokupindurazve Sauro achiti, “Tarisai muone, ndine mari shoma iyi inouremu hunokwana chidimbu chechina chemari yesirivha yemashekeri. Ndichaipa kune munhu waMwari kuti atiudze kwokuenda nako.”
9(Kare vaIsiraeri vaiti kana munhu oda zvokundobvunza kuna Mwari aiti, “Handei kumuoni,” nokuti ava kunzi muporofita mazuva ano, kare ainzi muoni.) 10Sauro akati kumuranda wake, “Zvakanaka, handei.” 11Saka vakaenda zvavo kuguta kwaiva nomunhu waMwari. Pavakanga vachikwira chikomo paiva neguta iroro, vakasangana navasikana vaiendawo kundoteka mvura, vakavati, “Ko muoni aripo here?” 12Ivo vakati, “Ee, aripo. Inga wani anotova pamberi penyu apa. Zvino kurumidzai. Auya nhasi muguta medu nokuti iye nhasi uno vanhu vachapira chibayiro kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira. 13Mukangoti pindei muguta, muchamuwana asati akwira kunzvimbo yacho yakatunhumara yokuteurira kundodya nokuti vanhu havazotanga kudya asati asvikako zvaariye anofanira kutanga atombokomborera chibayiro, ndopachazodyawo vakakokwa. Kwiraiko zvenyu nokuti munobva mangomuwana izvozvi.” 14Saka vakabva vakwira kuguta. Pavakanga vava kupinda mukati meguta, onei Samueri hoyo ochingudzana navo achienda kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira.
15Zuro racho, Sauro asati aendako, Tenzi akanga afanoudza Samueri kuti, 16“Mangwana, panguva ino iyoyi ndichakutumira mumwe murume wokunyika yakwaBhenjamini. Unofanira kumuzodza kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri. Ndiye achanunura vanhu mumaoko avaFirisitia nokuti ndakaona nhamo yavanhu vangu, ndikanzwawo kuchema kwavo.”
17Kuzoti Samueri aona Sauro, Tenzi akabvawo amuti, “Ndiyeyu murume wandakakuudza uyu! Iyeyu ndiye achatonga vanhu vangu.” 18Sauro akaenda kuna Samueri pasuo guru reguta akati, “Mungandiudzewo here kune imba yomuoni?”
19Samueri akapindura Sauro achiti, “Ndini muoni wacho. Chitungamirai tiende tose kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira nokuti iye nhasi uno muchadya neni. Ndichazokuregai zvenyu moenda mangwana mangwanani. Ndichakuudzaiwo nhuna dzemwoyo wenyu dzose. 20Asi kana zviri zvamadhongi ako akarasika mazuva matatu apfuura chirega zvako kuzvinetsa nezvawo, nokuti akatowanikwa. Ko unoti chido chavanhu vose muIsiraeri muno chiri kupiko? Chiri pauri iyewe navose vemba yababa wako.”
21Sauro akapindura chiti, “Inga ini ndiri wokwaBhenjamini, dzinza rouko kwokupedzesera chaiko muIsiraeri? Ko mhuri yedu haisiri iyo here yokupedzesera mudzinza rokwaBhenjamini? Zvino zvamuri kutaura kwandiri izvi zvinorevei?”
22Samueri akaenda naSauro pamwechete nomuranda wake akapinda navo mumba huru akavapa zvigaro zvapamusorosoro kupfuura vamwe vose vakanga vakokwa vaikarosvika makumi matatu avanhu. 23Samueri ndokuti kumubiki, “Chiuya nenyama yechirango iya yandakati uise payo yoga.” 24Saka mubiki uyu akandotora chidya, nyama yapamusoro pechidya akazvigadzika pamberi paSauro, Samueri ndokuti, “Zvaurikuona izvi zvagadzikwa pamberi pako zvanga zvakachengeterwa iwe. Idya zvako nokuti ndochirango chawanga wakachengeterwa kusvikira nguva ino iyi yakatarwa kuti udye pamwechete navanhu vakakokwa.” Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.
25Pavakadzika kubva kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuya, vapinda Muguta, Samueri akataura naSauro ari padenga remba.#9:25 Padenga remba: chiGiriki chinoti akawaridzira Sauro pokurara padenga remba akavata zvake ipapo.
Kuzodzwa kwaSauro naSamueri somutungamiriri
26Vakafumomuka mambakwedza Samueri akadaidza Sauro padenga remba paya achiti, “Chimuka ndikuperekedze.” Sauro akamuka vakabva vapinda munzira vose vari vaviri.
27Vachingunofamba kudaro voda kusvika kwokupedzesera kweguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda ambofanotungamira zvake. Kana achinge atungamira iwe wombomira pano, kwechinguva ndigokutaurira shoko raMwari.”

Currently Selected:

1 Samueri 9: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in