YouVersion Logo
Search Icon

Kuverengwa 33

33
Rwendo rwavaIsiraeri kubva Ijipiti kundosvika kuMoabhu
1Urwu ndirwo rwendo rwavaIsiraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMosesi naAroni. 2Murwendo rumwe norumwe rwavainge vafamba, Mosesi ainyora zita renzvimbo yavainge vasvika pakusimuka kwavo vopinda munzira sezvaakaudzwa naTenzi. Idzi ndidzo nzendo dzavakafamba nenzvimbo dzavakatangira.
3Vakatangira rwendo rwavo paguta reRamasesi mumwedzi wokutanga pazuva regumi nechishanu romwedzi iwoyo. Pazuva rakatevera rePasika, vaIsiraeri vakanyatsobuda zvavo vaIjipiti vose vachiona. 4Izvozvo vaIjipiti vaingunoviga matangwe avo ose akanga auraiwa naTenzi. Ipapo Tenzi akabudisa pachena kuti vamwari vavo vamwari vakaita sei.
5Saka vaIsiraeri vakabva paRamesesi vakandodzika matendhe avo paSukoti. 6Vakabva paSukoti vakandodzika matendhe avo paEtamu pamuganho nerenje. 7Vakabva paEtamu vakadzokera kuPihahiroti, pakatarisana nepaBhaarizefoni vakadzika matendhe avo pedyo napaMigidhori. 8Vakabva paPihahiroti vakayambuka nomuGungwa Dzvuku, vakapinda nomurenje vakafamba rwendo rwamazuva matatu nomurenje reEtamu vakazodzika matendhe avo paMara. 9Vakabva paMara vakandosvika paErimu. PaErimu paiva nezvisipiti zvemvura gumi nezviviri, nemiti yomurara makumi manomwe. Vakadzika matendhe avo ipapo.
10Vakabva paErimu vakandodzika matendhe avo munyasi meGungwa Dzvuku. 11Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika matendhe avo murenje reSini. 12Vakabva murenje reSini vakandodzika matendhe avo kuDhofuka. 13Vakabva kuDhofuka, vakandodzika matendhe avo kuArushi. 14Vakabva kuArushi, vakandodzika matendhe avo kuRefidhimu pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.
15Vakazobva paRefidhimu vakandodzika matendhe avo murenje reSinai. 16Ndokubva murenje reSinai vakandodzika matendhe avo kuKibhurotihataavha. 17Vakabvawo paKibhurotihataavha vakandodzika matendhe avo paHazeroti. 18Vakabvawo paHazeroti vakandodzika matendhe avo paRitima. 19Vakazobva paRitima vakandodzika matendhe avo kuRimoniperezi. 20Vakabvazve paRimoniperezi vakandodzika matendhe avo paRibhina. 21Ndokubva paRibhina vakandodzika matendhe avo paRisa. 22Vakazobva paRisa vakandodzika matendhe avo paKeherata. 23Ndokubva paKeherata vakandodzika matendhe avo vava pagomo reShaferu. 24Ndokubva pagomo reShaferu vakazondodzika matendhe avo paHaradha. 25Ndokubvawo paHaradha vakandodzika matendhe avo Makeroti. 26Vakabva Makeroti vondodzikira matendhe avo Tahati. 27Vakazobva paTahati ndokundodzikira matendhe avo kuTera. 28Ndokuzobvawo kuTera vakandodzika matendhe avo kuMitika. 29Vakabva paMitika ndokundodzika matendhe avo kuHashimona. 30Vakabvawo paHashimona vondodzika matendhe avo kuMoseroti. 31Vakazobva paMoseroti vakandoadzika vave Bhenejaakani. 32Ndokubva Bhenejaakani vakandodzika matendhe avo vava Horihagidhigaadhi. 33Ndokubvawo paHorihagidhigaadhi vakazondodzika matendhe avo paJotibhata. 34Ndokuzobva paJotibhata vondodzika matendhe avo vava Abhurona. 35Vakabva paAbhurona vakazodzikira matendhe avo kuEzionigebheri. 36Vakazobva paEzionigebheri vakandodzika matendhe avo murenje reZini, ndipo paKadheshi. 37Ndokuzobvawo paKadheshi vakandodzika matendhe avo pagomo reHoru munyasi menyika yeEdhomu.
38Aroni mupristi audzwa naTenzi, akakwira mugomo reHoru akafiramo. Iri raiva gore ramakumi mana kubvira kubuda kwavaIsiraeri munyika yeIjipiti mumwedzi wechishanu pazuva rokutanga romwedzi iwoyo. 39Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri ana matatu okuzvarwa kwake paakafa mugomo reHoru.
40Mambo Aradhi worudzi rwavaKanani aigara kuNegevhu munyika yeKanani akanzwa zvokuuya kwavaIsiraeri. 41VaIsiraeri vakabva kugomo reHoru vondodzika matendhe avo vava Zarimona. 42Vakabva Zarimona vondodzika matendhe avo vava kuPunoni. 43Vakazobva Punoni vakazodzika matendhe avo kuObhoti. 44Vakabvawo kuObhoti vondodzika matendhe avo kuIyeabharimu kumuganho neMoabhu. 45Vakazobvawo paIyimu ndokundodzika matendhe avo vava Dhibhonigadhi. 46Ndokubva paDhibhonigadhi vakazondodzika matendhe avo vava Arumonidhibhurataimu. 47Ndokuzobva Arumonidhibhurataimu vakandodzika matendhe avo vava kumakomo eAbharimu munyasi megomo reNebho. 48Vakabva pamakomo eAbharimu vondodzika matendhe avo mumapani eMoabhu munyasi maJorodhani, kuJeriko. 49Vakazodzika matendhe avo munyasi maJorodhani kubvira kuBhetihejeshimoti kusvikira kuAbheroshitimu mumapani eMoabhu imomo.
50Mumapani eMoabhu imo munyasi maJorodhani kuJeriko, Tenzi akataurira Mosesi zvokuita achiti, 51“Taurira vaIsiraeri uti kwavari, kana mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yeKanani, 52munofanira kudzinganisa vagari vemo, mupwanye zvimifananidzo zvavakazvigadzirira zvamabwe nezvifananidzo zvavo zvesimbi, mupaze nzvimbo dzavo dzemipiro dzavakavakira pakatunhumara. 53Torai nyika iyoyo mugaremo nokuti ndakupai nyika iyoyo kuti ive yenyu. 54Muchagovana nyika iyoyo nechin'ange dzinza nedzinza, muchipa nyika huru kune vakawanda, diki kuna vashoma. Nzvimbo inenge yapiwa munhu nechin'ange ndiyo ichava yake. Muchagovana nyika dzinza nedzinza vanhu nedzinza rababa wavo. 55Asi kana mukasadzinganisa vagari vemo vachakufurusai sechinhoi muziso vachiva sekabayo komunzwa parutivi. Vachakuonesai nhamo munyika yamuchange mugere. 56Ipapo zvandinofunga kuita kwavari ndizvo zvandichaita kwamuri.”

Currently Selected:

Kuverengwa 33: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in