Kuverengwa 32
32
Madzinza avaIsiraeri okumabvazuva kwaJorodhani
(Kut 3:12–22)
1Madzinza aRubheni naGadhi aiva nemombe dzakawanda kwazvo. Akaona nyika yeJazeri neyeGiriadhi dziri nyika dzina mafuro emombe, 2Naizvozvo vokwaGadhi nevekwaRubheni vakaenda kuna Mosesi nomupristi Ereazari navatungamiriri vegungano, ndokusvikoti, 3“KuAtaroti nokuDhibhoni nokuJazeri nokuNimura nokuHeshibhoni nokuEreare nokuSebhamu nokuNebho nokuBheoni 4kunyika dziya dzakakundwa naTenzi tichizviona, kuna mafuro emombe akanaka kwazvo. Zvino isu varanda venyu tine mombe.” 5Saka vakati, “Kana muchida tipei zvedu isu varanda venyu nyika iyoyi kuti ive nhaka yedu, murege zvenyu kuti tiyambuke kumhiri kwaJorodhani.”
6Asi Mosesi akapindura vokwaGadhi novokwaRubheni achiti, “Ko imi mungati hama dzenyu dziende dzoga kuhondo, imi mugere zvenyu kuno here? 7Ko munodireiko kuoresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakapiwa naTenzi? 8Ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva kuKadheshibhanea kundoona nyika iyi. 9Vakandosvika kumapani eEshikoru vakaona nyika iyoyo, dzokei vooresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakanga vapiwa naTenzi. 10Izvozvo zvakashatirisa Tenzi pazuva iroro akapika achiti, 11‘Chokwadi hakuna mumwe wavarume vakabva kuIjipiti vane makore makumi maviri kana anopfuura iwayo vachaona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho nokuti havana kunditevera nomwoyo wose, 12kunze kwaKarebhu chete mwanakomana waJefune muKenezi naJoshuwa mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Tenzi nomwoyo wose.’ 13Tenzi akashatirirwa vaIsiraeri, akaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira chizvarwa chose chakanga chatadzira Tenzi chapera kufa. 14Hezvika imi magara nhaka yamadzibaba enyu, muri chizvarwa chakaipa chinotonyanya kuti Tenzi ashatirirwe vaIsiraeri zvikuru. 15Kana imi mukatsauka pakumutevera achavasiyazve murenje. Ndimi muchaparadzisa vanhu ivava.”
16Vakasebera kwaari vakati, “Regai timbovakira pano zvipfuwo zvedu matanga, navana vedu maguta, 17tozotora zvombo zvedu tichienda kuhondo navaIsiraeri, tiri mberi kusvikira tavasvitsa kunzvimbo dzichava nhaka yavo. Izvozvo vana vedu vachange vagere mumaguta akakomberedzwa netsvingo vakadzivirwa kuvanhu vomuno. 18Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira muIsiraeri wose awana nyika ichava nhaka yake. 19Isu hatizopiwi nhaka pamwechete navo kumhiri kwaJorodhani zvichienda zvakadaro nokuti nhaka yedu taiwanira mhiri kuno kumabvazuva kwaJorodhani.”
20Mosesi akavapindura achiti, “Kana muchizoita saizvozvo zvokutora zvombo muchienda kuhondo norubatsiro rwaTenzi, 21mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo achiyambuka Jorodhani achitungamiririrwa naTenzi kusvikira adzinga iye vavengi vake, 22kusvikira nyika iyoyi yakundwa yava pasi paTenzi, mungachizodzoka zvenyu musisina mhosva pana Tenzi navaIsiraeri. Naizvozvo nyika ino ichava yenyu nemvumo yaTenzi.
23“Asi mukasaita saizvozvi, matotadzira Tenzi. Saka zivai izvi zvokuti chitadzo chenyu chichakupfukirai. 24Chivakirai zvenyu pwere dzenyu maguta, nezvipfuwo zvenyu matanga, muzoita zvamavimbisa.”
25Vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakataura kuna Mosesi vachiti, “Isu varanda venyu tichaita zvamareva changamire wangu. 26Pwere dzedu namadzimai edu nembudzi nehwai nemombe dzedu dzose, zvichasara zviri mumaguta kuno kuGiriadhi. 27Asi isu varanda venyu tichayambuka, munhu wose ane zvombo zvehondo achitungamirirwa naTenzi tichienda kuhondo sokutaura kwenyu changamire.”
28Mosesi akaudza mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri zvokuita navanhu ava 29akavati, “Kana vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakayambuka Jorodhani nemi, mumwe nomumwe wavo akapakata zvombo zvehondo vachitungamirirwa naTenzi, mukakunda nyika iyoyo, vapei zvenyu nyika yeGiriadhi kuti ive yavo. 30Asi vakasayambuka nemi kundorwa hondo, vachazowana mugove wavo pamwechete nemi munyika yeKanani.”
31Vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni vakapindura vachiti, “Zvataurwa naTenzi kwatiri varanda venyu ndizvo zvatichaita. 32Isu tichayambuka takapakata zvombo zvedu zvehondo kunyika yeKanani tichitungamirirwa naTenzi kuitira kuti nhaka yedu ive mhiri kuno kwaJorodhani.”
33Saka Mosesi akapa vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni nechikamu chapakati napakati chevedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nyika yaSihoni mambo wavaAmori, nenyika yaOgu mambo wavaBhashani. Akavapa nyika iyoyo namaguta ayo ose nemiganho yacho, kunyange namaguta ose ari munharaunda macho. 34Vedzinza rokwaGadhi vakavakirira tsvingo maguta aya anoti: Dhibhoni neAtaroti neAroeri 35neAtarotishofani neJazeri neJogubheha 36neBhetinimura neBhetiharani. Maguta aya namatanga ehwai akakomberedzwa netsvingo. 37Vedzinza rokwaRubheni vakavaka maguta aya anoti: Heshibhoni neEreare neKiriataimu 38neNebho neBhaarimeoni (mazita awo akazosandurwa) neSibhuma. Maguta avakavaka vakatumidza mazita. 39Vemhuri yaMakiri wedzinza raManase vakaenda kuGiriadhi vakaikunda ndokuibvutira vaAmori vakanga vageremo. 40Mosesi akapa nyika yaGiriadhi kuna Makiri mwanakomana waManase akagaramo. 41Jairi wedzinza raManase akandopamba misha yavo akaitumidza kuti misha yaJairi. 42Nobha akandopamba guta reKenati nemisha yavo, akaitumidza nezita rake kuti Nobha.
Currently Selected:
Kuverengwa 32: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.