YouVersion Logo
Search Icon

Maraki Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Zita romuporofita Maraki rinoreva kuti “Mutumwa waMwari.” Maraki akanyora bhuku rake iri vanhu vadzoka kuutapwa kwavakanga vaendeswa naMwari. Rinoratidza kuti Temberi yomuJerusaremu yakanga yavakwa. Maraki aishandisa madzidzisiro ekatekisimo, yokubvunza mibvunzo achiipindura.
Chinangwa chikuru chaMaraki chaiva chokudzosera vapristi navanhu kuupenyu hwokutendeka kuna Mwari. Vapristi vakanga vasisaremekedzi Mwari. Vaipira kuna Mwari zvibayiro zvemhuka dzinorwara (1:8) nemipiro yezvinhu zvisina maturo (1:6–7) ndokusaka aiti chitendero chenyu chinorwara sokurwara kunoita mhuka dzamunopira kuna Mwari. Kuvanhu, Maraki anoti Mwari anovenga kurambana komurume nomukadzi wake (2:10; 15–16) uye haadi kuti muroorane nevechirudzi vanozokurasisai chitendero chenyu. Maraki ainge achiyeuchidza vanhu kudzokera kuchitenderano chavo naMwari. Kwokupedzisira anotsidzira vanhu kuti Mwari achavatumira Mesia (Kristu); asi asati avatumira Kristu, achatanga avatumira muporofita Eriya.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raMaraki
Chikomborero cheIsiraeri
Rudo rwaMwari kuvanhu vake (1:1–5)
Kuipa kworudzi (1:6—3:15)
Chitadzo chavapristi (1:6—2:9)
Chitadzo chavanhu (2:10—3:15)
Chitsidzo chaMwari (3:16—4:6)
Bhuku raMwari (3:16–18)
Kuuya kwaMesia (Kristu) (4:1–3)
Kuuya kwaEriya (4:4–6)

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in