Maraki 1
1
Rudo rwaTenzi kuvaIsiraeri
1Chirevo: Shoko raTenzi kuvaIsiraeri raakataura nomuromo waMaraki.#1:1 Maraki: Zita irori rinoreva kuti nhumwa kana mutumwa kana kuti nhume yangu.
2“Ndakakudai.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi imi munoti, “Makatida nomutowo upi? Handiti Esau mukoma waJakobho here?” Ndizvo zviri kubvunzwa naTenzi, “Asi wandakada ndiJakobho, 3asi Esau ndakamuramba. Nyika yake yamakomo ndakaiita renje zvaro ndikasiyira nhaka yake kumakava okugwenga'ku.” 4Dai kuri kuti Edhomu inoti, “Takaputswa asi tichavaka hedu matongo acho.” Tenzi wehondo nehondo ari kuti, “Kuvaka, vangavake havo asi ini ndichavapaza kudzamara vava kunzi, ‘Nyika youipi yavanhu vakagara vakashatirirwa naTenzi narinhi wose.’ ” 5Muchatozozvionerawo nemeso enyu uye muchatozoti, “Tenzi mukuru ikoko kure nenyika yeIsiraeri.”
Mwari anotsiura vapristi
6Inga wani mwanakomana anoremekedza baba vake, muranda anoremekedza vatenzi vake. “Zvino kana ini ndiri baba, kuremekedzwa kwangu kuripi? Kana ini ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripi? Ndizvo zviri kureva TENZI wehondo nehondo kwamuri iyemi vapristi munozvidza zita rangu. Munotika imi takazvidza zita renyu sei, 7nokupira chokudya chakan'ora paatari yangu. Uye munoti takachin'oresa sei, nokufungaka kwenyu kuti tebhuru yaTenzi inogona kushorwa zvayo. 8Kana imi muchipira sechibayiro mhuka dzakapofomara maziso, hausi huipi here ihwohwo? Ko kana muchipira dzakaremara kana dzine chirwere, hausi huipi here ihwohwo? Endai muzvipe kumutongi wenyu, anofadzwa nemi kana kukuitiraiwo zvakanaka here?” Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo.
9Zvino chikumbirai Mwari tione kuti atiitire tsiye nyoro agotinzwirawo ngoni. Imi mune chipo chakadaro mumaoko menyu angakuitirei tsiye nyoro here? Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. 10“Dai zvazvo pane mumwe pakati penyu anopfiga zvake misuo kuti imi murege kubatidza moto paatari yangu zvisina maturo! Handichakufarirai. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo uye handichambogamuchira mupiro wamunopira imi namaoko enyu 11nokuti kubvira kunobuda zuva kudzamara kwarinodokera zita rangu iguru pakati pemarudzi uye munzvimbo dzose rusenzi runopirwa kuzita rangu pamwechete nemipiro mitsvene nokuti zita rangu, izita guru mukati memarudzi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. 12Asi imi munorin'oresa muchiti teburu yaTenzi yakasvibiswa muchipira zvenyu pairi chokudya chakazvidzika. 13Munototi zvenyu, ‘Haiwaiwa zvinonetsa izvi,’ izvozvo muchitondifinyamisira mhuno imi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Munounzaka imi zvinhu zvakatorerwa vanhu nechisimba kana zvakaremara kana zvinorwara ndozvamunouya nazvo somupiro wenyu? Ini ndigamuchire zvakadaro kwamuri here ini? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. 14Ngaawirwe norushambwa munyengedzi ane chipfuwo chikono mudanga make chaanoti iye atsidza kuzochipira pidigu opira kuna Tenzi chibayiro chinoshoreka nokuti ini ndiri Mambo mukuru ini. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo, uye zita rangu rinotyiwa mukati memarudzi.”
Currently Selected:
Maraki 1: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.