YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 2

2
Kuberekwa kwaJesu
(Mat 1:18–25)
1Namazuva iwayo kwakatemwa chirevo chakabva kuna Siza Agusuto, chokuti vanhu vapasi pose vanyorwe mazita avo. 2Uku ndiko kwaiva kunyorwa kwamazita kwokutanga kwakaitwa Kwiriniosi ari mutongi weSiria. 3Vanhu vose vakaenda kundonyorwa mumwe nomumwe kuguta rokwake. 4Zvino Josefi akabvawo Garirea muguta reNazareti achikwira kuJudhea kuguta raDhavhidhi rinonzi Bheterehemu, nokuti aiva wemba nowedzinza raDhavhidhi. 5Akaenda kundonyorwa iye naMaria waakanga achangobva mukuroora, akangawo ava napamuviri. 6Vachiri ikoko, mazuva ake okuti asununguke akakwana. 7Akasununguka dangwe rake, romwana mukomana waakaputira namachira ndokumuradzika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakanga vashaya nzvimbo muimba yavaeni.
Vafudzi vehwai navatumwa vaMwari
8Mudunhu iroro makanga muina vafudzi kumafuro vairindira zvipfuwo zvavo usiku. 9Zvino mutumwa waTenzi akazviratidza kwavari. Kupenya kwaTenzi kukavakomberedza vakabva vabatwa nokutya kukuru. 10Asi mutumwa akati kwavari, “Regai henyu kutya nokuti ndakuunzirai shoko rakanaka rorufaro rukuru ruchava rwavanhu vose. 11Nokuti nhasi uno, muguta raDhavhidhi, mazvarirwa Muponesi, ndiye Kristu Tenzi. 12Chiratidzo chamuchamuziva nacho ndechichi chokuti muchandowana mucheche akaputirwa namachira akaradzikwa muchidyiro chezvipfuwo.” 13Pakarepo boka guru rehondo yedenga rakamira pamwe nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti, 14“Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, pasi pano rugare ruve kuvanhu vaanofarira.” 15Kuzoti vatumwa vaye vabva pavari, vachienda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehemu tindoona zvaitika izvi zvataziviswa naTenzi.” 16Vakaenda vachikurumidza vakasvikowana Maria naJosefi, uyezve mucheche arere muchidyiro chezvipfuwo. 17Kuzoti vafudzi vaona mwana vakatanga kurondedzera zvavakanga vataurirwa nezvemwana uyu. 18Vose vakanzwa izvi vakashamiswa kwazvo nezvavakataurirwa navafudzi. 19Asi Maria akapfundira zvinhu zvose izvi mumwoyo make achinyatsozvifungisisa. 20Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pazvose zvavakanga vanzwa nezvavakaona sokuudzwa kwavakaitwa.
Mwana anopiwa zita rokuti Jesu
21Mushure memazuva masere, pakadzingiswa mwana, akatumidzwa zita rokuti Jesu, ndiro zita riya raakapiwa nomutumwa, amai vake vasati vava napamuviri pake.
Jesu anosumwa muTemberi
22Kuzoti nguva yokuchenurwa kwavo yakwana, vakakwira nomwana kuJerusaremu kundomusuma kuna Tenzi sezvaidikanwa nomutemo waMosesi. 23Sezvazvakanyorwa muMutemo waTenzi kuti, “Dangwe rose rechikomana rinotanga kubuda mudumbu raamai varo richanzi rakaturirwa Tenzi.” 24Vakaendawo kundopira mupiro wechibayiro chenjiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki sokurehwa kwazvakaitwa nomutemo waTenzi. 25Zvino muJerusaremu maiva nomumwe murume ainzi Simeoni. Akanga ari munhu akarurama anotya Mwari, uye akanga achitarisira kunyaradzwa kweIsiraeri. Mweya Mutsvene akanga ari paari. 26Munhu iyeyu akanga aziviswa naMweya Mutsvene, kuti haazofi asati aona Mesia waTenzi. 27Afemerwa naMweya, akapinda muTemberi. Vabereki zvavakauisa mwana Jesu kuzomuitira zviya zvaigaroitwa zviri muMutemo 28akatora mwana akamubata mumaoko, akarumbidza Mwari achiti;
29“Tenzi mungachirega muranda wenyu
zvino achienda norugare, sokureva kwenyu,
30nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31rwamakagadzirira kuti ruonekwe nendudzi dzose dzavanhu.
32Mwenje wokuvhenekera vechirudzi
nomukurumbira wavanhu venyu vaIsiraeri.”
33Baba vake naamai vake vakashamiswa vachinzwa zvakataurwa nezvake. 34Zvino Simeoni akavakomborera ndokuti kuna Maria amai vake, “Chinzwai, mwana uyu akasarudzirwa kuputsika nokumuka kwavazhinji muIsiraeri nokuvazve chiratidzo chichapikiswa.” 35Chichaita kuti pfungwa dziri mumwoyo yavazhinji dzizivikanwe. Nemiwo mwoyo wenyu uchabaiwa nebakatwa. 36Kwaivawo nomumwe muporofitakadzi ainzi Ana, mwanasikana waFanuero, wedzinza raAsheri. Iye akanga atokwegura. Akangogara nomurume wake kwamakore manomwe chete kubvira umhandara hwake, 37ndokuzogara sechirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere ana mana. Haaisiyana neTemberi, maaishandira Mwari siku nesikati, nokutsanya nokunamata. 38Akauyawo nenguva yakareyo akatenda Mwari ndokutaura nezvomwana uyu kuna vose vaimirira kununurwa kweJerusaremu.
Kudzokera kwavo kuNazareti
39Zvino kuzoti vapedza kuita zvose zvaidiwa noMutemo waTenzi vakadzokera Garirea kuguta ravo reNazareti. 40Mwana uyu akakura akasimba, akazara noungwaru, nechikomborero chaMwari chaive chiri paari.
Mukomana Jesu anowanikwa ari muTemberi
41Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusaremu kumazuva makuru ePasika. 42Kuzoti Jesu ava namakore gumi namaviri, vakakwirako samaitiro avo. 43Zvino kuzoti mazuva makuru ePasika apera, vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara kuJerusaremu. Vabereki vake havana kuzviziva. 44Vakafamba rwendo rwomuswere wezuva vachifunga kuti ari mukati mavamwe vavaifamba navo. Vakazomutsvaga mukati mehama neshamwari dzavo. 45Zvavakamushaya vakadzokera Jerusaremu vachimutsvaka. 46Nezuva rechitatu vakazomuwana ari muTemberi agere pakati pavadzidzisi achiteerera zvavaitaura achivabvunzawo mibvunzo. 47Vose vakamunzwa vakashamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake. 48Vabereki vake, pavakamuona vakashamiswa kwazvo. Ipapo amai vake vakati, “Nhai mwanangu, wakaitireiko zvinhu zvakadai kwatiri? Tarisa uone Baba vako neni takatambudzika kwazvo tichikutsvaka.” 49Iye akavapindura achiti, “Chakaita kuti munditsvake kumwe kwese chii? Makanga musingazive here kuti ndinofanira kuva muimba yaBaba vangu?” 50Asi ivo havana kunzwisisa zvaakavataurira. 51Akadzika navo akasvika kuNazareti, kwaakagara navo achivateerera. Amai vake vakapfundira zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo. 52Zvino Jesu akakura muungwaru, nomumhu wake, nomukudiwa naMwari navanhu.

Currently Selected:

Ruka 2: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in