YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 1

1
1Sezvo vazhinji vakaita basa rokunyora rondedzero yezvinhu zvakaitika pakati pedu, 2sokuzvigamuchidzwa kwatakaitwa navaya vakanga vazviona nemeso kubvira pakutanga kwazvo, uyezve vari vaparidzi veshoko, 3neniwo, mushure mokunyatsotsvagisisa zvinhu zvose nemazvo, kubvira kumavambo azvo, ndakazviona chiri chinhu chakanaka kuti, ndikunyorerei rondedzero yazvo yakakwana, imi vaTeofiro vanoremekedzwa, 4kuti munyatsoziva idi rezvinhu zvamakadzidziswa.
I: KUBEREKWA NOKUKURA KWAJOHANI NOKWAJESU
Zakariya anoudzwa nezvokuzvarwa kwaJohani Muombeki
5Pamazuva aHerodhi, mambo weJudhea, kwaiva nomumwe mupristi ainzi Zakariya wegovero raAbhiya. Aiva nomudzimai akanga ari wedzinza raAroni, zita rake ainzi Erizabheti. 6Vakanga vakarurama pamberi paMwari vose vari vaviri, vasina chinoshoreka pakutevedza zviri pamitemo nepamirao yaTenzi. 7Asi vakanga vasina mwana nokuti Erizabheti akanga ari mhanje, uyezve, vose vari vaviri vakanga vachembera. 8Zvino Zakariya zvaakanga achiri kuita basa roupristi pamberi paMwari, 9janha regovero rovokwake, samaitiro avapristi, ndivo vakabatwa nomujenya wokuti vapinde munzvimbo Inoera yeTemberi kundopisa rusenzi. 10Gurumwandira ravanhu rakanga richinamata kunze panguva yokupisira rusenzi. 11Pakarepo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akamira nechokurudyi rweatari yorusenzi. 12Zakariya zvaakamuona akavhunduka, akabatwa nokutya. 13Asi mutumwa waTenzi akati kwaari, “Rega zvako kutya, Zakariya, nokuti munamato wako wakanzwika. Mudzimai wako, Erizabheti achakuberekera mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Johani.
14“Iwe uchazofara nokupembera,
vazhinji vachazofarirawo kuberekwa kwake,
15nokuti achava mukuru pamberi paTenzi;
haachazonwi waini kana doro rinodhaka,
achazadzwa naMweya Mutsvene
kubvira achiri munhumbu maamai vake.
16Achazodzorera vazhinji vavaIsiraeri
kuna Tenzi Mwari wavo.
17Achafamba pamberi paTenzi
aina mweya nesimba raEriya
kuti awadzanise madzibaba navana vavo;
nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama,
kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.”
18Zakariya akati kumutumwa, “Ndingazive seiko zvinhu izvi? Ini ndakwegura uye mudzimai wangu achembera?” 19Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka.
20“Chinzwa, uchava chimumumu, usingagoni kutaura kusvikira musi wazvichaitika, nokuti hauna kutenda zvandakuudza, izvo zvichazoitika nenguva yazvo.” 21Izvozvo vanhu vakanga vakangomirira Zakariya, votoshamiswa kwazvo kuti chii chamunonotsa kudai muTemberi. 22Zvino akati abuda, haana kugona kutaura kwavari. Vanhu ndokubva vaziva kuti aona chiratidzo muTemberi. Akatoita zvokuvaninira maoko, ndokuramba angove chimumumu. 23Kuzoti mazuva ebasa rake apera, akadzokera kumusha kwake. 24Shure kwaizvozvi, mudzimai wake Erizabheti akava napamuviri akazvivanza kwemwedzi mishanu, achiti, 25“Ndozvandakaitirwawo naTenzi pamazuva aakandiringa kuti andibvise nyadzi pamberi pavanhu.”
Maria anoudzwa nezvokuzvarwa kwaJesu
26Nomwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuguta reGarirea rinonzi Nazareti, 27kumhandara yakanga ichangoroorwa nomurume ainzi Josefi, wemba yaDhavhidhi; zita remhandara iyi rainzi Maria. 28Mutumwa akauya kwaari akati, “Kwaziwa iwe wakakomborerwa, Tenzi anewe.” 29Zvakamukangaidza zvikuru kunzwa zvakadai, akashamiswa nazvo kuti kwaziso iyi inoreveyi. 30Mutumwa waMwari ndokupindura oti, “Usatye zvako Maria, nokuti Mwari afadzwa zvake newe. 31Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. 32Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. 33Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. 34Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” 35Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari. 36Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje. 37Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.” 38Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake.
Maria anoshanyira Erizabheti
39Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. 40Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. 41Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, 42ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. 43Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. 44Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu.
45“Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.”
Rwiyo rwaMaria rwokurumbidza Mwari
46Maria ndokubva atiwo;
47“Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose,
mweya wanguwo unopembera norufaro
Mwari Muponesi wangu.
48Nokuti akarangarira iniwo zvangu
murandanhando wake.
Chionai kuti kubvira zvino,
zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi;
‘Wakakomborerwa,’
49nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
50Anonzwira tsitsi vanomutya,
kubvira kuchizvarwa nechizvarwa.
51Akaita zvina masimba noruoko rwake,
akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
52Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe,
achisimudzira pamusoro vakazvirereka.
53Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi akavaendesa vasina chavanacho.
54Akarangarira tsitsi dzake
akabatsira Isiraeri muranda wake.
55Sokutaura kwaakamboita kumadzitateguru edu,
kuna Abhurahamu nezvizvarwa zvake, nokusingaperi.”
56Maria akazogara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu, ndokuzodzokera hake kumusha kwake.
Kuberekwa kwaJohani Muombeki
57Zvino mazuva okuti Erizabheti asununguke zvaakakwana, akapona mwana mukomana. 58Kuzoti vavakidzani vake nehama dzake vanzwa kuti Tenzi akamuitira tsitsi dzakawanda kudai, vakafara kwazvo pamwechete naye. 59Nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana. Vakanga vachida kumutumidza zita rababa vake rokuti Zakariya, 60asi amai vake vakati, “Kwete, ngaanzi Johani.” 61Vanhu vakati kuna amai vake, “Hakuna mumwe wehama dzenyu anodaidzwa nezita iri.” 62Ipapo vakaninira baba vake vachida kuziva kuti vangade kuti anzi ani.
63Iye akakumbira chinyorero, akanyora kuti, “Zita rake ndiJohani.” Vose vakashamiswa zvikuru. 64Pakarepo muromo Zakariya wakabva wazaruka, rurimi rwake rukabva rwasununguka, ndokubva avakutotaura achirumbidza Mwari. 65Pakave nokutya mukati mavavakidzani vavo, nyaya dzezvinhu izvi dzakafamba kwose kwose munyika yamakomo yeJudhea. 66Vose vakazvinzwa vakazvipfundira mumwoyo yavo vachiti, “Ko, mwana uyu achazova munhu akaita sei chaizvo?” Nokuti ruoko rwaTenzi rwakanga rwuri paari.
Kuporofita kwaZakariya
67Zvino baba vake Zakariya, vakazadzwa naMweya Mutsvene vakaporofita vachiti,
68“Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari wavaIsiraeri,
nokuti akashanyira vanhu vake, akavanunura;
69akatimutsira Muponesi#1:69 Muponesi: MuchiGiriki munoti nyanga yoruponeso. ane simba
mumba maDhavhidhi muranda wake,
70sokutaura kwaakaita nemiromo
yavaporofita vake vatsvene vakare,
71kuti atinunure kumhandu dzedu,
nomumaoko avose vanotivenga,
72kuri kuratidza tsitsi
sokutsidza kwaakamboita kumadzitateguru edu,
nokuyeukawo Chitenderano chake chitsvene,
73nechitsidzo chaakaita kuna baba vedu Abhurahamu,
74chokuti kana tanunurwa mumaoko emhandu dzedu,
timushandire tisingatyi,
75tichiita mabasa edu tiri vatsvene vakarurama
pamberi pake mazuva edu ose.
76“Iwe mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro,
nokuti uchafanoenda mberi kwaTenzi
kundomugadzirira nzira dzake,
77kupa vanhu vake ruzivo rworuponeso
ruri mukuregererwa kwezvitadzo zvavo,
78pamusana petsiye nyoro dzaMwari wedu,
apo tichabudirwa neZuva richibva kumusoro,
79kuzovhenekera vagere murima nomumumvuri worufu,
nokutungamirira tsoka dzedu munzira yorugare.”
80Mwana akazokura akasimba mumweya. Aigara murenje kusvikira zuva raakazviratidza kuvaIsiraeri.

Currently Selected:

Ruka 1: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in