Ezekieri 28
28
Chiporofita chakanangana namambo weguta reTire
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2“Iwe mwanakomana womunhu iti kujinda reTire, zvanzi naTenzi Mwari:
“Pamusana pokuti une mwoyo wokuzvikudza,
uchizviti ndiri mwari;
ndinogara pachigaro chavamwari;
pakati chaipo pamakungwa
asi iwe uri munhu zvako
asiri Mwari kunyange zvazvo uchifunga kuti
uri mungwaru saMwari.
3Ichokwadi kuti wakangwaraka iwe kupinda Dhanieri
hakuna chakavandika kwauri,
4noungwaru hwako nokunzwisisa kwako
wakazviwaniraka upfumi iwe
ukazviunganidzira ndarama nesirivha
munzvimbo dzako dzaunochengetera upfumi iwe;
5nouchenjeri hwako hwakadzama
mumhindu dzokutengeserana
ukawedzera upfumi hwako
ukava nomwoyo wokuzvikudza
mukupfuma kwako ikoko,
6nezvo zvanzi naTenzi Mwari,
‘Iwe zvaunozviti mumwoyo mako
uri mungwaru saMwari,
7naizvozvo chirega uone,
ndichakuunzira vatorwa pauri,
vanhu vakaipa mwoyo pamarudzi ose.
Vachaburitsira bakatwa ravo
voparadza runako rwoungwaru hwako
uye vagosvibisa iyo mbiri yako.
8Vachakukanda mugomba,
uchafa rufu rwokupondwa mukatikati memakungwa.’
9“Uchazoramboti ndiri mwari here
pamberi pavanokuuraya,
iwe uri munhu zvako
usiri Mwari
izvozvo uri mumaoko mavanokukuvadza?
10Uchafa rufu rwavasina kudzingiswa
uchifira mumaoko mavatorwa
nokuti ndini ndataura.”
Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.
Kuparara kwamambo weguta reTire
11Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti, 12“Iwe mwanakomana womunhu ungudza uchichema mambo weTire uti kwaari, zvanzi naTenzi Mwari:
“Iwe waiva mucherechedzo wokukwana
uzere noungwaru norunako rwakakwana.
13Mawakanga ugere muEdheni,
mumunda waMwari,
ibwe rose rakakosha
riri chishongo chako
pachiti mabwe erubhi
neekaneriani netopazi nejasipa
needhaimhondi nebheriri neonikisi
neesafaya neketekoizi neemeradhi;
tumasefa twako twokugadzikira
twakanga twakaitwa nendarama
nezvimwe zvako zvawakaveza.#28:13 Zvawakaveza: ChiHebheru cheizwi irori hachinyatsobva chanzwisisika.
Pazuva rawakasikwa zvakanga zvatogadzirirwa.
14Ndakakuisapo hangu
nekeribhu rokukuchengetedza
ukava pamusoro pegomo rinoera raTenzi.
Pakati pemabwe omoto
ndipo pawaifamba napo.
15Wakanga usina chinongo mukuita kwako
kubvira panguva yawakasikwa
kudzamarara pakuzowanikwa uipi mauri.
16Mukuwanda kwemhindu
dzako dzokutengeserana
wakazara utsinye ukazoita chitadzo.
Ipapo ndakakukanda pasi
sechinhu chakan'ora zvacho
kubva pagomo raMwari.
Ipapo kerubhu rokuchengetedza
rakazokudzinga pakati pamabwe omoto.
17Wakava nomwoyo wokuzvikudza
pamusana porunako rwako;
wakaodza ungwaru hwako
uchifuririka nomukurumbira wako.
Ndakakunda pasi ndikakuisa pachena zvapo
panotoonekwawo namamwe madzimambo
kuti vakutarise zvavo.
18Nokunyanyawo kwakanga kwaita
kuipa kwako mukushaya kwako nduramo
pamhindu dzako dzokutengeserana
wakan'oresa Nzvimbo dzako Dzinoera.
Naizvozvo ndakatungidza moto
mukati mako ukakuroromesa
ndikakuita madota zvawo ari pasi
mumaziso mevose vaikuona.
19Vose zvavo vanokuziva
mukati memarudzi avanhu,
vakadumbirwa nezvako
wasvika pamugumo wakaipa
uye hauchazovipo narini wose.”
Chiporofita chakanangana neguta reSidhoni
20Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, 21“Iwe mwanakomana womunhu chinangana neSidhoni uporofite wakanangana neguta iroro uchiti:
22“Zvanzi naTenzi Mwari,
‘Chinzwa, ndanangana newe iwe Sidhoni.
Ndichaonesa mbiri yangu mukati mako imomo.
Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi
pandicharitemera chirango charo
ndicharatidza kuera kwangu mariri.
23Ndinodaro nokuti
ndichatumira denda kwariri
nokudeuka kweropa mumigwagwa yaro.
Vanenge vaurayiwa
vachati rakata mukati maro
nebakatwa rinenge rorirwisa
kumativi ose zvawo.
Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.’
Isiraeri ichakomborerwa
24“Zvino kana zviri zvemba yaIsiraeri hakuzombovizve norukato runobaya kana munzwa unovakuvadza pakati pavavakagarisana navo vaimbovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari.”
25Zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakokorodza veimba yaIsiraeri mukati memarudzi mavakapararira ndichiratidza kuera kwangu mavari mumaziso mendudzi idzodzo, vachazogara munyika yavo yandakapa kuna Jakobho muranda wangu. 26Ivo vachagara pasina chinovawana mairi; vachavaka dzimba vachisima minda yamagirepisi. Vachagara zvavo pasina chinovawana pandicharanga vavakagarisana navo vose ivo vaya vakambovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari wavo.”
Currently Selected:
Ezekieri 28: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.