YouVersion Logo
Search Icon

2 Samueri 17

17
1Zvimwewo zvakataurwa naAhitoferi kuna Abhusharomu ndezvokuti, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndiende usiku hwanhasi kundoronda Dhavhidhi, 2ndimusvikire akaneta arasa mwoyo ndigomupazamisa musoro, vanhu vose vaanavo vamudzvamuke kutiza. Iye mambo wacho chete ndiye wandichapfuudza, 3ndigodzoka navanhu vacho vose kwamuri somuroora ari kuuya kumusha kwomurume wake. Chenyu imimika kupfuudza munhu mumwechete chete, vanhu vose vobva vapinda zvavo murunyararo.” 4Zano iri rakafadza Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri.
5Abhusharomu akabva ati, “Chimbotidaidziraiwo Hushai wokuAriki tinzwewo zvaanoreva.” 6Pakauya Hushai kuna Abhusharomu, Abhusharomu akati kwaari, “Zano ratapiwa naAhitoferi nderiri toritevera here? Kana risiri iro, ko iwe unotiwo kudii?”
7Hushai akati kuna Abhusharomu, “Zano rapiwa naAhitoferi rwendo runo harina kunaka.” 8Hushai akatizve, “Inga kana nemiwo munongozvizivawo wani kuti baba venyu navanhu vavo magamba chaiwo ehondo uye kuti izvozvi vane ukasha seingwe yatorerwa vana vayo musango. Izvozvi, usiku havamborara vaya pamwechete navamwe. 9Kutaura kuno, izvozvi vakatohwanda mune rimwe gomba kana kuti pane imwe nzvimbowo. Baba venyu vakazongotanga kuvarwisa, ani naani anozvinzwa anobva ati, ‘Hakuzi kuurayiwa ikoko kwaitwa vanhu vokwaAbhusharomu.’ 10Pakadaro apo kunyange gamba chairo rine mwoyo weshumba rinobva rava mbwende chaiyo achibweka nokutya. Chandinodariro ndechokuti Isiraeri yose inozviziva kuti baba venyu igamba chairo rehondo uye kuti vavanavo vacho magambawo chaiwo ehondo. 11Saka zvino zano rangu nderokuti, Isiraeri yose ngaikokorodzwe kubvira kuDhani kusvikira kuBheerisheba vaite sejecha repamahombekombe egungwa kuwanda, imimi pachenyu muendewo kuhondo, 12tigomusvikira paanenge ari ipapo toti paari ware ware sedova riri kudonhera pasi zvokuti iye navanhu vose vaanavo parege kuwanikwa kunyange nomumwe anopunyuka. 13Kana akapotera mune rimwe guta, pakadaro apo Isiraeri yose inoti tambo kokoto kuvinga guta racho torikwekweretsera mubani kudzamara pasara pasisina kunyange katombo zvako.”
14Abhusharomu navarume vose vokwaIsiraeri vakatoti, “Zano raHushai wokuAriki riri nani pane raAhitoferi,” nyamba izvozvo Tenzi akanga aronga zvokupazanisa zano raAhitoferi kuti apinze Abhusharomu munyatwa.
Kubairwa zani kwakaitwa Dhavhidhi
15Hushai akazonyevera Zadhoki naAbhiatari vapristi achiti, “Zano ranga rapiwa naAhitoferi kuna Abhusharomu navakuru vakuru vokwaIsiraeri nderiri, iniwo randazopa nderiri. 16Naizvozvo chikurumidzai kutumira Dhavhidhi shoko rokuti usiku hwanhasi ngaarege kurara pokuyambuka napo kurenje, asi kutoti napose paanogonera ayambuke. Mambo navanhu vaanavo vangadaro vakamedzwa.”
17Izvozvo Jonatani naAhimaazi vakanga vakamira kuEnirogeri. Mumwe muranda wechikadzi ndiye aitopota achindovanyevera, ivowo vachindozvisvitsa kuna mambo Dhavhidhi nokuti ivo havaifanira kuonekwa vachipinda muguta. 18Asi mumwe mukomana akavaona akandozvisvitsa kuna Abhusharomu, vakomana vaye vari vaviri vakakurumidza kubvapo vakaenda kumba kwomumwe murume akanga ane mugodhi wemvura muchivanze chake kuBhaurimu vakapindamo. 19Mudzimai akafukidza pamuromo wemugodhi wemvura akabva ayanika mbesanwapo nokudaro hazvina akaziva. 20Makurukota aAbhusharomu paakasvika kumudzimai uyu pamusha apa vakati, “Ahimazi naJonatani vari kupi?” Mukadzi uyu ndokuvati, “Vayambuka kakova ako.” Vakavatsvaka vakavashaya vakadzokera Jerusaremu. 21Pavakangoti endei, varume vaye vakabva vabuda mumugodhi wemvura uya vakandotaurira mambo Dhavhidhi. Vakabaira Dhavhidhi zanhi, vachiti, “Chitosimukai mukurumidze kuyambuka rwizi nokuti uku vaAhitoferi vapa vanhu zano kuti pawane chinoitwa kwamuri.” 22Dhavhidhi akabva asimuka navanhu vose vaaiva navo vakayambuka Jorodhani. Kunze kwakazosara kwoedza kusisina kana nomumwe akanga asara kumhiri asina kuyambuka.
23Ahitoferi paakaona kuti zano rake harina kuteverwa, akati padhongi rake kata achibva aenda kumusha, kuguta rokwake. Akasiya aronga zvomumusha make ndokubva azvisungirira akafa, ndokuvigwa muguva rababa vake.
24Dhavhidhi akasvika kuMahanaimu. Abhusharomuwo akayambuka Jorodhani navarume vose vokwaIsiraeri. 25Abhusharomu akanga asarudza Amasa kuti ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaiva yaJoabhu. Amasa uyu akanga ari mwanakomana womumwe murume wechiIshimaeri#17:25 WechiIshimaeri: MuchiHebheru panonzi wechiIsiraeri. ainzi Itira akanga akaroora Abhigari mwana wavaNahashi aiva mukoma nomunun'una naZeruya amai vaJoabhu. 26VokwaIsiraeri vakadzika matendhe avo mudunhu rokwaGireadhi.
27Pakasvika Dhavhidhi kuMahanaimu, Shobhi mwanakomana wavaNahashi wokuRabha muAmoni naMakiri mwanakomana waAmieri wokuRodhebhari pamwechete naBharizirai muGireadhi wokuRogerimu 28vakaunza mibhedha namadhishi, nehari nekoroni nebhari nembesanwa dzakakangwa nebhinzi nenyemba 29kwouya uchi nomukaka wakakora nehwai nechizi yavakawana kuzvipfuwo zvavo zvokuti Dhavhidhi navanhu vaaiva navo vawane chokudya, nokuti vaiti kurenje uku vanhu vava nenzara, vaneta uye vava nenyota.

Currently Selected:

2 Samueri 17: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in