YouVersion Logo
Search Icon

2 Samueri 16

16
Dhavhidhi naZibha
1Dhavhidhi paakangoti pfuurei zvishoma pamusoro paye ndiye Zibha muranda waMefibhosheti nepo pfacha namadhongi aiva nezvityaro akatakudzwa zvingwa mazana maviri, nezana rezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa nemichero zana yomuzhizha neguchu rewaini redehwe. 2Mambo akati kuna Zibha, “Ko wauyirei nezvinhu izvi?”
Zibha akati, “Madhongi aya ndeokuti mhuri yamambo iwane chokufambisa. Zvingwa izvi nemichero yezhizha iyi ndechokudya chamajaya enyu. Waini ndeyokuti vanenge vaziya nenyota murenje muno vanwe.”
3Mambo ndokuti, “Ko mwanakomana watenzi wako ari kupiko?”
Zibha akati kuna mambo, “Asara zvake muJerusaremu umu. Ari kutoti nhasi mhuri yeIsiraeri ichandidzosera ushe hwababa vangu.”
4Mambo akabva ati kuna Zibha, “Chinzwa, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.”
Zibha akati, “Ndinokuremekedzai mambo changamire. Dai mwoyochena wenyu kwandiri wangoramba wakadaro.”
5Mambo Dhavhidhi paakasvika kuBhahurimu, akavingwa nomumwe murume wekumhuri yokwaSauro ainzi Shimei mwanakomana waGera. Akanyatsomubudira achimutuka, 6achikanda matombo kuna Dhavhidhi nokumakurukota ose amambo Dhavhidhi nokuvanhu vose. Izvozvo varwi vehondo vano chaivo vokwamambo vakanga vakamukuta kurudyi nokuruboshwe. 7Shimei aimutuka achiti, “Iwe! Ibva kuno! Ibva! Mhondi yomunhu! Munhu pasina! 8Tenzi akatsividza ropa remba yokwaSauro wawakatorera chigaro chokutonga. Tenzi azopa umambo mwanakomana wako Abhusharomu. Yhaa! Wazozviona. Waparara iwe nokuti uri mhondi yomunhu.”
9Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko uyu imbwa zvayo yakafa kudai angatukireiko mambo changamire? Regai ndimuvinge ndimudimure musoro.”
10Asi mambo akati, “Munei nazvo nhaimi vana vaZeruya? Zvimwe kudaro ari kundituka pamusana pokuti Tenzi amuti, tuka Dhavhidhi, ndiani zvino angabvunze kuti, ‘Ko izvozvi uri kuitirei?’ ” 11Dhavhidhi akati kuna Abhishai nokumakurukota ake ose, “Hamuoniwo here kuti mwana wangu chaiye wokubereka ari kuda kuparadza upenyu hwangu. Ko kutozoti uyu wokwaBhenjamini zvake? Muregei akadaro. Regai atuke zvake nokuti Tenzi ndiye aita kuti adaro. 12Zvichida Tenzi achaona dambudziko rangu akandiitira zvakanaka pamusana pokunyombwa kwandiri kuitwa.”
13Dhavhidhi navanhu vake vakapinda zvavo munzira, uku Shimei achifambawo nomujinga mechikomo akavambirana naye achingomunyomba achimupotsera matombo nokumumbumurira guruva. 14Mambo navanhu vose vakasvika kuna Jorodhani#16:14 Jorodhani: MuchiHebheru hamuna Jorodhani, ndezvemumutauro wechiGiriki. vaneta akambozorora ipapo.
Zano raAhitoferi kuna Abhusharomu
15Izvozvo Abhusharomu navanhu vose, varume vokwaIsiraeri vakasvika kuJerusaremu, Ahitoferi aivawo naye. 16Pakasvika Hushai, muAriki, shamwari yaDhavhidhi iya kuna Abhusharomu yakati, “Zvoumambo hwenyu ngazvigare zvakadaro, ngazvirambe zvakadaro mambo!”
17Abhusharomu akati kuna Hushai, “Ndiko kuvimbika here kushamwari yako nhai ikoku? Waregerei kuenda neshamwari yako?”
18Hushai akati kuna Abhusharomu, “Bodo, nokuti anenge asarudzwa naTenzi navanhu ivava pamwechete navarume vose vokwaIsiraeri ndiye wangu iyeyo, uye ndiyewo wandinogara naye. 19Uyezve ndiani wandingashandirewo kusatoti mwanakomana wake? Sokushandira kwandaingoita baba venyu ndokushandirawo kwandichaitira imi.”
20Abhusharomu ndokuchizoti kuna Ahitoferi, “Tipewo zano, toitei?”
21Ahitoferi akati kuna Abhusharomu, “Torana navarongo vababa vako vavakasiya kuti vachengete musha ugare navo savakadzi vako. Isiraeri yose ichazvinzwa kuti wakazvimutsira daka nababa vako. Izvozvo zvinobva zvasimbaradza vanhu vaunavo” 22Vanhu vakabva vadzikira Abhusharomu tendhe padenga remba, Abhusharomu akatorana navarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachiona. 23Pamazuva iwayo mazano aipiwa naAhitoferi aifanana nomunhu ainge abvunza kuna Mwari. Ndizvo zvakanga zvakaita mazano aAhitoferi kuna Dhavhidhi naAbhusharomu.

Currently Selected:

2 Samueri 16: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in