2 Vakorinde 11
11
Pauro navapositori venhema
1Dai mukambondiregererawo ndichimboti pengerekei zvangu zvishomanana, mundiitirewo mwoyo murefu. 2Ndine shanje yaMwari nemi nokuti ndakakuroodzai kuna Kristu, ndichida kukuperekai semhandara tsvene kumurume wayo mumwechete oga. 3Zvino ndavakutotya kuti sokunyengedza kwakaita nyoka Eva nokusvinuka kwayo pfungwa dzenyu dzingadaro dzatsautswa pautsvene hwenyu nokutendeseka kwenyu kuna Kristu. 4Ndinodaro nokuti kana mumwe munhu akauya achiparidza mumwe Jesu akasiyana newatakaparidza muchigamuchira mumwe mweya wakasiyana newamakagamuchira kana kuti mukagachira Shoko Rakanaka rakasiyana neremakagamuchira muri kutomugamuchira namaoko maviri. 5Sokuona kwangu hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo. 6Kunyange zvangu ndisingakwanisi kunyatsotaura asi ruzivo ndinarwo. Izvi akanyatsokujekeserai nenzira dzose muna zvose.#11:6 Muna zvose: Apa panogonawo kunzi kuna vose.
7Ndakatadza here nokuzvidukupisa kwandakaita kuti imi mukudzwe zvandakaparidza Shoko Rakanaka raMwari pasina chamakaripa? 8Ndaiita sokubira mamwe masangano ndichitambira rutsigiro rwavo kuti ndikushandirei. 9Pandakanga ndiinemi ndisina chokubata, hapana wandakaremedza. Zvandaida ndakapiwa nehama dzedu dzakabva kuMasedhonia. Saizvozvo ndakaramba uye ndichangoramba ndichiramba kukuremedzai nenzira ipi zvayo. 10Sokuti nechokwadi chaicho chaKristu chiri mandiri, kuzvizuwidza kwangu uku hakumbofa kwakanyaradzwa mudunhu reAkaya. 11Nemhosva yeiko? Pamusana pokuti handikudei here? Mwari ndiye anoziva kuti ndinokudai. 12Ndichangoramba ndichiita zvandiri kuita, kuti nditadzise kubudirira avo vanoda kuzvizuwidza vachiti vanongoshandawo sezvatinongoita. 13Vanhu vakadaro vapositori venhema, vashandi vanonyengedza, vanobata vanhu kumeso vachizviti vapositori vaKristu. 14Hazvishamisi izvozvo nokuti kunyange Satani anonyengedza achizviita somutumwa wechiedza. 15Naizvozvo hazvishamisi kana varanda vake vachinyengedza sokunge varanda voururami. Mugumo wavo uchaenderana nezviito zvavo.
Nhamo dzakaonekwa naPauro
16Ndinodzokororazve kuti ngaparege kuva nomunhu anofunga kuti ndiri benzi romunhu; asi kunyange mukafunga zvenyu kudaro, nditorei zvenyu sebenzi kuti ndiwanewo mazvikudziro zvishomanene. 17Zvandiri kutaura hazvina Tenzi mukati, asi sebenzi, mukuzvirova dundundu kwangu uku kune chivindi, 18sezvo vazhinji vachizvikudza nezvinhu zvenyika, neniwo ndichazvirumbidza, 19nokuti munoitira mwoyo murefu mapenzi muchifara asi imi muri vanhu vakangwara. 20Munoitiraka imi mwoyo murefu munhu akakuitai varanda kana akakudyai nomunyati achikushandisai kana kuzvikudza kana kutokurovai nembama kumeso. 21Ndinonyara kutaura kuti hwaiva humbwende kuita izvozvo.
Asi kana pane munhu angade kuzvikudza nechii zvacho, ndava kutaura zvangu sebenzi, ndingatoitawo chivindi chokuzvikudza saizvozvo. 22Ivo vaHebheru here? Kana neniwo ndiri muHebheru. Ivo vaIsiraeri here kana neniwo. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahamu here? Kana neniwo. 23Ivo vashandi vaKristu here? Ini ndinotova mushandi wake ari nani. Zvino ndava kutaura zvangu somunhu anopenga. Ndakashanda zvakaomarara kupinda ivo. Ndakaiswa mujeri kakatowanda kutovapfuura. Ndakarohwa kakawanda, ndikatarisana norufu kakawanda. 24Ndakarohwa ndiri mumaoko avaJudha shamhu dzinosvika makumi matatu nepfumbamwe kanosvika kashanu. 25Ndakarohwa nemibhadha kanosvika katatu. Ndakatakwa namatombo kamwechete. Ndakakudubuka nechikepe katatu. Ndakaita siku nesikati ndakayangarara mugungwa. 26Panzendo dzangu dzakawanda ndakapinda njodzi dzenzizi nenjodzi dzamakororo, uye njodzi dzaibva kuvanhu vokwangu uyewo nenjodzi dzaibva kunevechirudzi kwozoti njodzi muguta, kwoti njodzi musango, kwouya njodzi mugungwa nenjodzi dzaibva kuhama dzenhema 27mubasa rakaoma nomuzvinhu zvinotambudza nomukushaiswa hope kakawanda; munzara nenyota uye kazhinji ndisina chokudya; muchando nomukushaya chokufuka 28tisingatauri zvedu nezvezvimwe izvi, mazuva ose ndinogara ndakaremerwa nokufunga masangano ose. 29Ndiani anorukutika ndikasarukutikawo. Ndiani anopinzwa mukutadza ndikasagumbuka nazvo.
30Dai kuri kuti ndinozvirova dundundu ndingatozvirovera dundundu utera hwangu, 31Mwari naBaba waTenzi Jesu, iye anofanira kurumbidzwa nokusingaperi anoziva kuti handitauri nhema. 32KuDhamasikosi mutongi aiva pasi paMambo Aretasi akagaririra guta reDhamasikosi kuti andibate 33asi ndakaburutswa ndiri mutswanda napaburi raiva parusvingo ndikamupunyuka.
Currently Selected:
2 Vakorinde 11: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.