1 Madzimambo 12
12
III: KUPARARA KWEVEKWAJUDHA NEVEKWAISIRAERI MUNE ZVOKUNAMATA NEZVEMATONGERWO ENYIKA
Kupanduka kwavekwaIsiraeri
(2 Nhor 10:1–19)
1Rehobhoamu akaenda kuShikemu kwakanga kwaunganwa neIsiraeri yose kundomugadza umambo. 2Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakazvinzwa, akaramba zvake ari kuIjipiti#12:2 KuIjipiti: Mune rechiGiriki nomuVg makanzi, “Jerobhoamu akadzoga kubva kuIjipiti.” (sezvo akanga achiri kuIjipiti ikoko kwaakaenda atiza mambo Soromoni). 3Vakamutumira nhume kundomudaidza. Jerobhoamu uyu negungano rose rokwaIsiraeri vakasvikopira nyaya yavo kuna Rehobhoamu vachiti, 4“Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema. Zvino dai mukarerutsa basa rababa venyu rakaoma kudai nejoko ravo rinorema ravakaisa patiri tigokushandirai zvedu.”
5Iye akavati, “Chimboendai mugozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu.” Nokudaro vanhu ava vakaenda zvavo.
6Mambo Rehobhoamu akandobvunza mazano kune vechikuru chikuru vaimbova makurukota kuna Soromoni baba vake pavakanga vachiri vapenyu achiti, “Zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi?”
7Ivo vakati kwaari, “Zvanhasi uno izvi kana mukabvuma zvenyu kuva muranda wokuvashandira mukavataurirawo zvakanaka pamunovapindura, naivowo vachava varanda kwamuri mazuva ose.”
8Asi iye akasiya zano raakapiwa nevechikuru chikuru ava akandobvunza mazano kune vechidiki vaakakura navo vakanga vava zvino makurukota ake. 9Akati kwavari, “Ko zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi vakanditi, ‘Tirerutsireiwo joko rakaiswa nababa venyu patiri.’ ” 10Vechidiki vaakakura navo ava vakamuti, “Udzai vanhu ivavo vakakutii, ‘Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema dai mukachitirerutsirawo,’ kuti kasiyanwa kangu kakobvu pane chiuno chababa vangu. 11Zvino baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema handiti, ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vaikurovai neshamhu handiti, ini ndichakurovai netyava ine minzwa yorukato.”
12Saizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu pazuva retatu racho sokutaura kwakanga kwaita mambo kuti mugozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu. 13Mambo akapindura vanhu ava nehasha achisiya zano raakanga apiwa nevechikuru vaye. 14Akataura kwavari achitevera zano riye raakapiwa nevechidiki achiti, “Baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema handiti, ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vakakurovai neshamhu handiti, ini ndichakurovai netyava ine minzwa yorukato.” 15Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naTenzi kuti azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhija okuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
16VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kuvanzwa, vanhu vakapindura mambo vachiti,
“Isu muna Dhavhidhi,
mugove wedu ndowei chaizvo?
Hatina isu nhaka mumwana waJese.
VokwaIsiraeri, kumusha!
Iwe Dhavhidhi,
zvomumba mako wochizvionera.”
17VaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumisha yavo. Asi vaIsiraeri vaigara mumaguta okwaJudha ndivo vaitongwa naRehobhoamu. 18Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mumwe mukuru mukuru wezvebasa rechibharo. Vose vokwaIsiraeri vakamutema namatombo akabva afa. Mambo Rehobhoamu ndopaakabva ati nokuchimbidza ngoro yake yehondo karakata ndiye kuJerusaremu ware. 19Saizvozvo vokwaIsiraeri vakapandukira imba yokwaDhavhidhi kusvikira pari nhasi.
20VokwaIsiraeri vose pavakanzwa kuti Jerobhoamu akadzoka vakamutumira shoko rokuti auye kumusangano vakamugadza umambo hwevokwaIsiraeri vose. Zvokumba yokwaDhavhidhi hapana akanga achazvinzwa kunze kwevedzinza rokwaJudha chete.
Muporofita Shemaya anodzivisa hondo vokwaJudha
21Rehobhoamu paakasvika kuJerusaremu akaunganidza vose vemba yokwaJudha nevedzinza rokwaBhenjamini. Vakanga vari zana namakumi masere ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo kundorwisa vokwaIsiraeri kuitira kuti vadzorere nyika kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni. 22Shoko raMwari rakauya kuna Shemaya munhu waMwari, 23rikati, “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo wokwaJudha nokuimba yose yokwaJudha neyokwaBhenjamini nevamwe vanhu vose 24zvanzi naTenzi, regai kuenda uye musarwisana nehama dzenyu vanhu vokwaIsiraeri. Munhu wese ngaadzokere kumusha nokuti zvinhu izvi zvakabva kwandiri.” Saizvozvo vakateerera zvakarehwa naTenzi ndokudzokera zvavo voenda sokutaura kwaTenzi.
Jerobhoamu anoumbira vokwaIsiraeri zvimhuru zvokunamata
25Jerobhoamu akazovaka guta reShikemu munyika yokwaEfuraimu yamakomo akandogaramo. Akazobvapo akandovaka guta rePenueri. 26Jerobhoamu uyu akazviti nechemumwoyo, “Zvavapo zvino ndezvokuti umambo hwava kuzodzokera kumba yokwaDhavhidhi 27kana vanhu ava vachienda kundopira zvibayiro muimba yaTenzi kuJerusaremu. Mwoyo yavanhu ava ichapindukira kuna tenzi wavo Rehobhoamu mambo weJudha. Vachandiuraya ava vodzokera kuna Rehobhoamu mambo weJudha.”
28Mambo akabvunza mazano akabva agadzira zvimhuru zviviri zvendarama, ndokubva azoti kuvanhu “Zvokuramba muchienda kuJerusaremu izvi zvakwana. VaIsiraeri we-e ava ndivo vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.” 29Chimwe akandochiisa kuBhetieri chimwe chacho akandochiisa kwaDhani. 30Ichochi chakave chitadzo nokuti vanhu vakanga vava kutoenda kune chokuBhetieri chiya vachitondosvikawo kunyange nokwaDhani. 31Akavakawo dzimba panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapa basa roupristi kuvanhuwo zvavo vasiri vemba yokwaRevhi.
Kurambwa kwakaitwa miteuro yepaBhetieri naTenzi
32Jerobhoamu uyu akasarudza zuva guru mumwedzi wechisere musi wechigumi neshanu kutevedzera zuva guru raichengetwa kwaJudha. Akapira zvibayiro paatari. Izvozvi ndozvaakaita kuBhetieri achipira zvibayiro kuzvimhuru zvaakanga aumba. Akaisawo muBhetieri imomo vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzaakanga agadzira. 33Aienda kuatari yaakavaka kuBhetieri pazuva regumi nechishanu racho remwedzi wechisere mumwedzi waakanga angosarudza iye zvomusoro wake. Ndiye zvake akarongera vanhu vokwaIsiraeri zuva. Aipota achikwira ikoko kundopisa rusenzi paatari iyoyo.
Currently Selected:
1 Madzimambo 12: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.