YouVersion Logo
Search Icon

1 Madzimambo 11

11
D: KUDZIKIRA PASI KWAMAMBO SOROMONI
Mudyakwose wamambo Soromoni pakunamata
1Mambo Soromoni akada vakadzi vakawanda kwazvo vechirudzi, kwaiti mukunda waFarao navakadzi vechiMoabhu nevechiAmoni nevechiEdhomu nevechiSidhoni nevechiHiti. 2Marudzi iwaya ndiwo akanga afanoyambirwa vaIsiraeri naTenzi achiti, “Hamufaniri kuroorerana navo. Chiripo chaicho ndechokuti vachakukwezverai mwoyo kuna vamwari vavo.” Asi Soromoni ndiye akaramba angoti kwati navo. 3Aiva navakadzi mazana manomwe vakanga vari vakunda vamadzimambo aivawo navarongo mazana matatu. Vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kusiriiko 4nokuti Soromoni paakanga zvino akwegura vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kuna vamwari vavo. Akanga asisatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose sababa vake Dhavhidhi. 5Mwoyo waSoromoni wakanga zvino wavavo kune zvokunamata Ashitoreti, mwari wevaSidhoni wechikadzi, nokunamatawo chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Mirikomu, mwari wavaAmoni. 6Ipapo Soromoni akaita zvakaipa pana Tenzi asisatevere Tenzi zvizere sababa vake Dhavhidhi. 7Soromoni akavakira pane chimwe chikomo kumabvazuva kweJuraseremu nzvimbo yakatunhumara yokuteurira kune chimwe chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Kemoshi mwari wevaMoabhu nechimwe chinhu chinosemesa kwazvo chainzi Moreki mwari wevaAmoni. 8Izvozvi ndozvaakaitira vakadzi vake vose vechirudzi, vaipisira rusenzi vachipira zvibayiro vamwari vavo.
9Tenzi akashatirirwa Soromoni pamusana pokuti mwoyo wake wakanga zvino wakwezverwa kure naTenzi, Mwari wavaIsiraeri akambozviratidza ruviri rwese kwaari 10akanga amuudzawo nezvenyaya iyoyi kuti arege kutevera vamwe vamwari. Asi haana kumbochengeta zvakanga zvanzi naTenzi zviitwe. 11Naizvozvo Tenzi akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti ndozvawava nazvo izvi zvokurega kuchengeta chitenderano changu nemirao yangu yandakati uchengete, zvino ndichabvarura chete umambo hwaunahwo ndigopa rimwe gurukota rako. 12Asi handisi kuzoita izvozvo munguva yako pamusana pababa vako Dhavhidhi. Asi ndichazohubvarura mumaoko emwanakomana wako. 13Chete handisi kuzobvarura umambo hwacho hwose. Asi ndichapa dzinza rimwechete kumwanakomana wako pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi uyewo pamusana peguta reJerusaremu randakasarudza.”
Mhandu dzamambo Soromoni
14Tenzi akazomutsira Soromoni mhandu, mumwe muEdhomu ainzi Hadhadhi aiva wechizvarwa chokwamambo weEdhomu. 15Zvakanga zvaitika ndezvizvi zvokuti Dhavhidhi paaiva kuEdhomu, Joabhu mutungamiriri wehondo uya akaenda kundoviga vamwe vakanga vaurayiwa akauraya varume vose muEdhomu imomo. 16Chakadariso ndechokuti, Joabhu nevaIsiraeri vose vakagarako mwedzi mitanhatu kusvikira vapedza kuuraya varume vose muEdhomu imomo. 17Asi Hadhadhi akatizira kuIjipiti nevamwe vaEdhomu vemhuri dzamachinda ababa vake. Izvozvo Hadhadhi akanga achiri mwana mudiki. 18Rwendo rwavo vakarutangira kuMidhiani vakaenda nokuParani kwavakatora vamwe varume vavakaenda navo kuIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti akamupa imba, akati apote achipiwa mugove wake wechokudya akamupawo nyika. 19Hadhadhi akadiwa chaizvo naFarao zvokuti akamupa mukadzi, munun'una womukadzi wake munun'una wavahosi vamambo, Tahipenesi. 20Munun'una waTahipenesi uyu akamuberekera mwana mukomana ainzi Gemubhati. Tahipenesi akaita kuti asvike pakutorumurwa achiri mumuzinda maFarao. Gemubhati aitogara zvake mumuzinda waFarao ari pamwechete navanakomana vaFarao.
21Hadhadhi achiri muIjipiti imomo paakanzwa kuti Dhavhidhi akavata akaendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake uyewo kuti Joabhu mutungamiriri wehondo uya akafa, Hadhadhi uyu akati kuna Farao, “Chiregai zvenyu ndiende kunyika yokwangu.”
22Asi Farao akamuti, “Chawashaya chii uineni kudai zvawava kutsvaka zvokudzokera kunyika yokwako?” Asi hapana mhinduro yaakamupa aingoti, “Ndiregei ndiende zvangu.”
23Mwari akamumutsirawo imwe mhandu yainzi Rezoni mwanakomana waEriyadha, akanga atiza kwatenzi wake Hadhadhiezeru mambo weZobha. 24Akaunganidza varume vaaiva navo akabva ava mutungamiriri wechikwata chokupamba mushure mokunge Dhavhidhi arakatisa kuuraya vanhu. Vakaenda kuDhamasikusi vakagarako vakaita Rezoni mambo muDhamasikusi imomo. 25Akanga akarimirana kumuganhu neIsiraeri panguva yose yaSoromoni, achiita umhandupandu sezvaingoita Hadhadhi, achivenga Isiraeri kwazvo izvozvo achitonga nyika yeSiria.
Chitsidzo chaMwari kuna Jerobhoamu
26Jerobhoamu mwanakomana waNebhati wedzinza rokwaEfuremu wokuZeredhi, gurukota raSoromoni ana amai vainzi Zerua aiva chirikadzi akapandukirawo mambo. 27Nyaya yakamupa kupandukira mambo ndeiyi: Soromoni akavaka chimudhuri chiya chamavhu napamwe pakanga papazika rusvingo rweguta raDhavhidhi baba vake. 28Jerobhoamu uyu aiva murume chaiye akasvika. Pakaonawo Soromoni kuti jaya irori iri raiva munhu webasa akamuita mukuru mukuru webasa rechibharo rose revemba yokwaJosefi. 29Panguva iyoyo Jerobhoamu paakabuda muJerusaremu, muporofita Ahiya wokuShiro akamuona panzira. Ipapo Ahiya akanga akapfeka hanzu itsva izvozvo vainge vari voga voga pauviri hwavo musango imomo. 30Ahiya akabata hanzu itsva yaaiva akapfeka akaibvarura-bvarura muzvipenga gumi nezviviri. 31Akati kuna Jerobhoamu, “Tora zvako zvipenga gumi izvi nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Zvavapo ndezvizvi, ndava kuzomwaura kuna Soromoni umambo ndichikupa madzinza gumi. 32Asi iye achangozova nedzinza rimwechete kuri kuitira muranda wangu Dhavhidhi uyewo pamusana peguta reJerusaremu guta randakasarudza mukati memadzinza ose avaIsiraeri. 33Ndiri kuita izvi pamusana pokuti vakandifuratira vavakundopfugamira zvavo Ashitoreti mwari weSidhoni wechikadzi naKemoshi mwari wevaMoabhu uye Mirikomu mwari wevaAmori vakasiya kufamba mumakwara angu. Zvokuita zvakanaka izvi zvandinoda vakakanda pasi. Zvaiita baba vake Dhavhidhi zvokuchengeta mirao yangu nezvirevo zvangu vakakandawo pasi. 34Zvakadaro zvazvo handisi kuzomutorera nyika yacho yose, asi ndichaita kuti ave mutongi upenyu hwake hwose, kuitira murunda wangu Dhavhidhi wandakasarudza akachengetawo mirao yangu nemitemo yangu. 35Asi ndichatorera mumaoko emwanakomana wake umambo hwaanahwo ndigopa kwauri iwe umambo hwemadzinza gumi. 36Kunyange zvakadaro zvazvo, kumwanakomana wake iyeyo ndichapa dzinza rimwechete kuitira kuti muranda wangu Dhavhidhi awanewo kamoto kanoramboti roi roi mazuva ose pandiri muJerusaremu guta randakasarudzira kuisa zita rangu, 37ndichitorawo iwe kuti utonge pamadiro ako ose uri mambo wokwaIsiraeri. 38Kana ukateerera zvose zvandinokuudza, ukafamba nomumakwara angu, uchiita zvinhu zvakanaka kwandiri uchichengeta mirao yangu nemitemo yangu sezvaiita muranda wangu Dhavhidhi, ndichava newe. Ndichaitawo kuti umambo hupinde mumba mako hubatirire sokuvaka kwandakaita imba yaDhavhidhi iwe ndigokupa vokwaIsiraeri. 39Pamusana paizvozvi ndichambodukupisa zvizvarwa zvokwaDhavhidhi, asi kwete zvokubva zvangogara zvakadaro.’ ”
40Ipapo Soromoni akatsvaka nzira yokuuraya nayo Jerobhoamu. Asi Jerobhoamu akasimuka akatizira kuIjipiti kuna Shishaki mambo weIjipiti, akagara kuIjipiti ikoko kusvikira rufu rwaSoromoni.
Rufu rwaSoromoni
(2 Nhor 9:29–31)
41Inga dzimwe nyaya dzezvaSoromoni nezvinhu zvose zvaakaita uye nezvoungwaru hwake zvakanyorwa wani muBhuku reMabasa aSoromoni. 42Nguva yakatonga Soromoni muJerusaremu ari mambo weIsiraeri yose, yaiva makore makumi mana. 43Soromoni akazovata woendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Mwanakomana wake Rehobhoamu ndiye akazotonga panzvimbo pake.

Currently Selected:

1 Madzimambo 11: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in