1 Vakorinde 7
7
II: MHINDURO KUMIBVUNZO YAKASIYANA SIYANA
A: KUROORA, NOUTSVIMBORUME, NOUMHANDARA
1Panyaya dzamakanyora, zvakanaka kuti murume arege zvake kumbobata munhukadzi. 2Asi pamusana peupombwe huriko, murume oga oga anofanira kuva nomukadzi wake uyewo mukadzi mumwe nomumwe anofanira kuva nomurume wake. 3Murume anofanira kupa mukadzi wake zvaanofanira kumupa somurume wake, ndizvozvowo nomukadzi kumurume wake. 4Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake asi murume wake; murumewo haana simba pamusoro pomuviri wake asi mukadzi wake. 5Regai kunyimana, kunze kokunge mabvumirana kuregera kwechinguva, kuti mumbonamata, asi mozodzokerana zvakare nokuti Satani angadaro akakuedzai nokutadza kuzvibata. 6Handisi kutaura izvi kwamuri somutemo asi kukubairai zanhi. 7Ini ndingatoda kuti dai vanhu vose vakaita zvandakaita ini. Zvakadaro zvazvo, vanhu vose vakapiwa zvipo zvakasiyana–siyana, munhu nomunhu achipiwa naMwari chipo chisina vamwe.
8Kuna vasina kuroora nechirikadzi, ndinoti zviri nani kwavari kuramba vasina kuwana sezvandiri. 9Asi kana vasingakwanisi kuzvibata ngavawane nokuti zvirinani kuwana pano kutsva nehavi. 10Kuna vakaroorana ndinopa murawo, kwete ini asi Tenzi, wokuti mudzimai haafaniri kusiyana nomurume wake. 11Asi akasiyana naye ngaarambe asina murume, kana kuti ngaadzokerane nomurume wake. Murumewo ngaarege kuramba mukadzi wake.
12Kuna vamwe imi mose, ini, kwete Tenzi, ndinoti kana hama munamati ino mudzimai asiri mutendi asi anobvuma zvake kugara naye, haafaniri kumuramba. 13Mudzimaiwo, kana aine murume asiri mutendi anobvuma zvake kugara naye haafaniri kumuramba. 14Chikonzero chacho ndechokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomukadzi wake uyewo mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomurume wake. Dai zvisina kudaro vana venyu vangadai vakan'ora asi sezvazviri, vatsvene. 15Asi kana uyo asingatendi achida kuti vasiyane, ngavasiyane. Pakadaro hama munamati yakasununguka nokuti Mwari akatidanira rugare. 16Iwe mudzimai ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa murume wako? Newewo murume ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa mudzimai wako?
Kugara upenyu hwawakadaidzirwa naMwari
17Chiripo zvacho ndechokuti munhu wose ngaagare upenyu hwaakapiwa naTenzi uye hwaakadaidzirwa naMwari. Iwoyo ndiwo mutemo wangu mumasangano ose. 18Pano munhu akanga akadzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kuvanziridza kudzingiswa kwake. Pana akanga asina kudzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kudzingiswa. 19Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna zvakunoreva asi kuchengeta mitemo yaMwari. 20Munhu wose ngaarambe ari zvaakanga ari paakadaidzwa. 21Wakanga uri muranda here pawakadanwa, hazvina mhosva, asi kana uchigona kuwana rusununguko rwako chawawana batisisa, zvisunungure.#7:21 Chitozvibatsira nezvauri izvozvo. 22Chiripo ndechokuti muranda anenge adaidzwa muna Tenzi, munhu akasununguka waTenzi. Ndizvozvowo nomunhu akadanwa iye akasununguka, muranda waKristu. 23Imi makatengwa nomutengo, musave varanda vavanhu. 24Naizvozvo hama dzangu munhu zvaakadaidzwa naMwari akaita, ngaarambe akaita saizvozvo.
Vasina kuwana nemi chirikadzi
25Kuna vasina kuwana handina mutemo waTenzi asi ndinokupai zvandinofunga somunhu anovimbika chiri chipo chenyasha dzaTenzi. 26Ndinofunga kuti nenhamo dziriko iye zvino, zviri nani kuti munhu arambe ari zvaari. 27Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvake kusunungurwa. Hauna kuwanana nomukadzi here, usatsvake zvokuwana. 28Asi ukawana hauna kupara chitadzo. Musikanawo akawanikwa haana kupara chitadzo. Asi vanoroorana, nhamo dzapasi dzoupenyu ndedzavo. Ndingade kuti ndikudzivirirei kunhamo dzakadaro.
29Zvandinoreva ndezvizvi, hama dzangu, nguva yakatemwa iya yava pedyo pedyo. Kubvira iye zvino zvichienda mberi vana vadzimai ngavagare savasina. 30Uye vaya vanochema ngavaite savasiri kuchema. Vanofarawo ngavaite sevasiri kufara. Uye vanotenga ngavaite savasina zvinhu. 31Vane zvokuita nezvenyika ngavaite savasinei nezvenyika nokuti nyika sezvairi iri kupfuura.
32Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. 33Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. 34Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake.
35Ndinotaura izvi kuti ndikubatsirei, kwete kuti ndiwane chandinokurambidzai asi kuti pave nokuita kune mwero uye kuti muve nomwoyo mumwechete kuna Tenzi.#7:35 Vamwe vanoturikira ndima iyi vachiti kana murume anga afunga kuti achengete zvake mhandara yake isina kuroorwa; asi nokukura kwaanenge aita akazofunga kuti haasi kumubata zvakanaka ofunga zvokumuroodza, ngaaite zvake zvaari kuda. Hapana chitadzo akamuroodza. 36Kana murume achiona kuti haasikuzvibata kumusikana wake. Kana havi dzake dzanyanya uye pane zvinofanira kuitwa ngaaite zvaari kuda kuita, ngaaroore. Hapana chakaipa. 37Asi munhu akanyatsofunga mumwoyo make kurega kuroora asina amumanikidza achinyatsoziva zvaari kuita, anyatsozvironga mumwoyo make kusaroora musikana wake, anoita zvakanaka. 38Naizvozvo munhu anoroora musikana wake anoita zvakanaka uyewo munhu asingaroori anotoita zviri nani.
39Kana murume achiri mupenyu mudzimai anosungwa nomurawo wokuramba akabatana nomurume wake, asi murume wake akafa, akasununguka kuroorwa nomurume waanoda asi ngazviitwe muna Tenzi. 40Asi sokuona kwangu angatova munhu akakomborerwa zvake akaramba ari zvaari izvozvo. Ndinofunga kuti ndina Mweya waMwari.
Currently Selected:
1 Vakorinde 7: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.