VaFiripi 2
2
Kristu mutungamiriri wedu pakuzvininipisa
1Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kuna Kristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mwoyo munyoro nokunzwira tsitsi, 2zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe, 3musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; 4mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire vamwewo.
5Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo; 6iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; 7asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; 8akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. 9Saka Mwari akamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; 10kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, 11kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.
12Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera; 13nokuti ndiye Mwari anoita mukati menyu kuda nokuita nokuda kwake kwakanaka.
14Itai zvose musinganyunyuti musina nharo; 15kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika; 16makabatisisa shoko roupenyu, kuti ndive nechandingazvirumbidza nacho nezuva raKristu, ndizive kuti handina kumhanya pasina, kana kubata basa pasina.
17Kunyange ndikadururwa pamusoro pechibayiro nokushumira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. 18Nokuda kwaizvozvo nemiwo mufare nokufarisisa neni.
Pauro anotuma Timoti naEpafirodhito
19MunaIshe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timoti kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu. 20Nokuti handina mumwe munhu anomwoyo wakaita sowake, achava nehanya kwazvo nezvenyu. 21Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu.
22Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwechete neni paVhangeri, somwana anobatira baba vake. 23Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndaona kuti zvangu zvakadini; 24asi ndinotenda muna Ishe kuti neniwo ndimene ndichakurumidza kuuya.
25Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafirodhito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushayiwa kwangu; 26zvaakanga achikushuvai zvikuru imi mose, akatambudzika kwazvo, nokuti imi makanga manzwa kuti anorwara. 27Nokuti akanga achirwara kwazvo, ari pakufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neniwo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo.
28Naizvozvo ndakashingaira kumutuma kwamuri, kuti mumuone, mufarezve, neni ndirege kuva nenhamo. 29Naizvozvo mumugamuchire muna Ishe nomufaro wose, uye mukudze vakadai; 30nokuti nokuda kwebasa raKristu akanga oda kufa, akasarangarira upenyu hwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imi.
Currently Selected:
VaFiripi 2: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002