1
VaFiripi 2:3-4
Shona Bible 1949, revised 2002
musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire vamwewo.
Compare
Explore VaFiripi 2:3-4
2
VaFiripi 2:5
Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo
Explore VaFiripi 2:5
3
VaFiripi 2:6-8
iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.
Explore VaFiripi 2:6-8
4
VaFiripi 2:13
nokuti ndiye Mwari anoita mukati menyu kuda nokuita nokuda kwake kwakanaka.
Explore VaFiripi 2:13
5
VaFiripi 2:9-11
Saka Mwari akamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.
Explore VaFiripi 2:9-11
6
VaFiripi 2:14-15
Itai zvose musinganyunyuti musina nharo; kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika
Explore VaFiripi 2:14-15
7
VaFiripi 2:12
Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera
Explore VaFiripi 2:12
Home
Bible
Plans
Videos