YouVersion Logo
Search Icon

Johani 21

21
Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi
1Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi; akazviratidza kudai: 2VanaSimoni Petirosi, naTomasi, ainzi Dhidhimo, naNataneri, weKana yeGariria, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vadzidzi vake, vakanga vari pamwechete. 3Simoni Petirosi akati kwavari, “Ndonobata hove.” Vakati kwaari, “Nesu tinoendawo newe.” Vakabuda, vakapinda muigwa; asi usiku uhwo havana kubata chinhu. 4Zvino kwakati kwaedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu.
5Zvino Jesu akati kwavari, “Vana, mune hove here?” Vakamupindura, vachiti, “Kwete.”
6Akati kwavari, “Kandai usvasvi kurutivi rworudyi rwegwa mugowana.” Ipapo vakakanda, vakasagona zvino kuhukweva nokuwanda kwehove.
7Zvino mudzidzi uya, aidikanwa naJesu, akati kuna Petirosi, “NdiIshe.” Ipapo Simoni Petirosi akati achinzwa kuti ndiIshe, akasunga nguo yake, nokuti akanga asina, akazviwisira mugungwa. 8Asi vamwe vadzidzi vakauya nekagwa, vachikweva usvasvi hune hove, nokuti vakanga vasiri kure nenyika asi makubhiti anenge mazana maviri. 9Zvino vakati vasvika panyika, vakaona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa. 10Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamakabata zvino.”
11Simoni akakwira muigwa, akakwevera usvasvi kumucheto, hwakanga huzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzikadai usvasvi hahuna kubvaruka. 12Jesu akati kwavari, “Uyai, musvusvure.” Kwakanga kusina mumwe wavadzidzi vake akatsunga kumubvunza, kuti, “Ndimi aniko?” Vachiziva kuti ndiye Ishe. 13Zvino Jesu akaenda, akatora chingwa, akavapa, nehovewo saizvozvo.
14Urwu rwaiva rwechitatu, Jesu rwaakazviratidza kuvadzidzi vake amuka kuvakafa.
15Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kuna Simoni Petirosi, “Simoni, mwanakomana waJona uno rudo neni kupfuura ava here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwayana dzangu.”
16Akati kwaarizve rwechipiri, “Simoni, mwanakomana waJona, une rudo neni here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Chengeta makwai angu.” 17Akati kwaari rwechitatu, “Simoni, mwanakomana waJona, Unondida here?” Petirosi akarwadziwa mwoyo, nokuti akati kwaari rwechitatu, “Unondida here?” Akati kwaari, “Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwai dzangu. 18Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, uchiri jaya, waizvisunga chiuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza maoko ako, mumwe achakusunga chiuno, achikuisa kwausingadi.”
19Akareva izvozvo, achifananidza kufa kwaaizokudza Mwari nako. Zvino akati areva izvozvo, akati kwaari, “Nditevere.”
20Petirosi akatendeuka, akaona uya mudzidzi, aidikanwa naJesu, achitevera; ndiyewo akasendamira pachipfuva chake pachirariro, achiti, “Ishe, ndianiko achakupandukirai?”
21Zvino Petirosi akati achimuona, akati kuna Jesu, “Ishe, ko uyu uchaitweiko?”
22Jesu akati kwaari, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.”
23Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi. Asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi, asi kuti, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe?”
24Ndiwoyu mudzidzi anopupura izvozvi, wakazvinyorawo; tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.
25Zvimwe zvizhinji zviriko zvakaitwawo naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyange nenyika yose haingaringani bhuku dzinganyorwa.

Currently Selected:

Johani 21: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in