Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kuna Simoni Petirosi, “Simoni, mwanakomana waJona uno rudo neni kupfuura ava here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwayana dzangu.”
Akati kwaarizve rwechipiri, “Simoni, mwanakomana waJona, une rudo neni here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Chengeta makwai angu.” Akati kwaari rwechitatu, “Simoni, mwanakomana waJona, Unondida here?” Petirosi akarwadziwa mwoyo, nokuti akati kwaari rwechitatu, “Unondida here?” Akati kwaari, “Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwai dzangu.