YouVersion Logo
Search Icon

VaEfeso 5

5
1Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa; 2fambai murudo, Kristu sezvaakakudaiwo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kuna Mwari, zviite hwema hunonhuwira.
3Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; 4nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga. 5Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakuna mhombwe, kana munhu une tsvina, kana anochiva, ndiye anonamata zvifananidzo, angadya nhaka muushe hwaKristu naMwari.
6Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusateerera. 7Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; 8nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza. 9Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi, 10muchiedza muzive zvinofadza Ishe. 11Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire; 12nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa. 13Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza. 14Saka iye anoti, “Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakuvhenekera.”
15Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; 16mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. 17Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaIshe.
18Regai kudhakwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya; 19mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumwoyo yenyu; 20muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raIshe wedu, Jesu Kristu; 21muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu.
Vakristu mumba mavo
22Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kuna Ishe. 23Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wesangano; iye amene ndiye muponesi womuviri.
24Asi sangano sezvariri pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.
25Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo sangano, akazvipa nokuda kwaro; 26kuti ariite dzvene achirinatsa nokushambidza nemvura neshoko, 27kuti azviisire pamberi pake sangano, rinobwinya, risina gwapa, kana kuonyana, kana chinhu chakadai; asi rive dzvene, risina mhosva.
28Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake, anozvida; 29nokuti hakuna munhu akatongovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira sangano; 30nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake. 31Naizvozvo munhu achasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe. 32Chakavanzika ichi, chikuru; asi ndinotaura zvaKristu nezvesangano. 33Asi imiwo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake

Currently Selected:

VaEfeso 5: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in