YouVersion Logo
Search Icon

Muparidzi 11

11
Itai zvakanaka panguva dzose
1Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura. 2Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.
3Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.
4Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki. 5Sezvausingazivi mufambiro wemhepo, kana mukuriro amapfupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose. 6Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.
7Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva. 8Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo.
Munhu ngaafarire zvose, asi ngaarangarire Musiki wake pauduku hwake
9Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
10Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvinamaturo.

Currently Selected:

Muparidzi 11: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in